Mamwe mabikirwo enyama yeguru

20 May, 2021 - 14:05 0 Views
Mamwe mabikirwo enyama yeguru Nyama yemaguru

Kwayedza

USAVI hwenyama yeguru hunonaka zvikuru uye tinowana mapuroteni kubva kwahuri asi hunoda kubikwa zvakanaka.
Svondo rino Farirai Mlambo wekuChipinge anotitsanangurira mamwe mabikirwo enyama yeguru zvemhando yepamusoro.

Zvinodiwa:
Poto, chikari, pani, matomatisi, munyu, nyama yeguru, hanyanisi nedovi

Mabikiro:
Tora nyama yeguru wocheka kuita zvidimbu zvakanaka.
Suka matomatisi nehanyanisi wocheka muzvidimbu zvidiki.
Gadza poto, chikari kana pani pamoto woisa nyama imomo nemvura shoma.
Rega zvimbokwata kwemaminitsi makumi mana uye kana mvura yapera, isa hanyanisi nematomatisi.
Ramba uchikanga kwemaminitsi gumi, wozoisa dovi zvipunu zviviri nemvura woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.
Raidza kuti zvaibva here wochizobura.
Nyama yeguru inogona kudyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.
Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>