Mamwe makangirwo emazai

20 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Mamwe makangirwo emazai

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU

Muchaneta Chimuka

MAZAI anofarirwa nevanhu vemazera ose sezvo ari nyore kudya, uye tinowana mapuroteni akawanda maari zvose neiron izvo zvinoita kuti tidzinge zvirwere nekusimbisa mabhonzo.

Svondo rino Tendai Garisa wekuMhondoro anodonongodza mamwe makangirwo emazai.

Zvinodiwa:

Mazai matanhatu, mafuta, munyu, hanyanisi, madomasi nepani

Mabikiro:

Pwanya mazai ako zvakanaka uchiaisa mukomichi.

Chiisa munyu wakaringana wokurunga kuti anyatsosangane.

Isa chidumbu chechipunu chemafuta mupani.

Igadze pamoto apise wobva wakanda hanyanisi.

Isa madomasi awacheka aya ukange zvakasangana.

Kana muto waibva, chidira mazai usanganise.

Ramba uchisanganisa kusvika zvaibva.

Kana zvadai, chidya nehama neshamwari. Mazai anogona kuiswa pachingwa kana kudyiwa nesadza zvichitofamba.

. Onai zvimwe pa: www.kwayedza.co.zw

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana kuti +263 773 394 753

Share This:

Sponsored Links