Danisa Masuku
NGUVA zhinji, varume vanogona kushungurudzwa vakanyarara nemadzimai avo nekuti vanotya kunzi havana hushingi hunotarisirwa kuvanhurume.
Asi Michael Manenji anobva kuEntumbane, kuBulawayo, akatsunga ndokuzvuzvurudzira aimbove mudiwa wake, Tendai Takesure, kumatare.
Akaudza dare kuti ane mwana naTakesure.
Manenji anoti Takesure haadi kuti ambotorawo mwana uye pese paanoda kunomutora vanonetsana.
Anoti Takesure anomutumira zvekare mashoko ekumutuka paWhatsApp.
Pamusoro pezvo, anogara achimuudza kuti achamubvisa maziso kuitira kuti ave bofu uye obva amuuraya.
Anoti svondo rapfuura achityaira motokari achibva pamba paTakesure, akamumhanyisa akabata zidombo achida kumupwanya musoro naro.
Mumagwaro ari kumatare, Manenji anoti: “Ndini ndakamhan’ara nyaya iyi ukuwo Tendai Takesure aimbove mudiwa wangu. Tine mwana tose. Pese pandinoenda kumba kwake kunoona mwana wangu, anondituka nekunditumira mameseji akawanda paWhatsApp achindituka. Vhiki rakapera, akandityisidzira kuti achandidzura maziso ondiuraya.
“Pandaibva pamba pake, akamhanya achiuya kwandiri akabata zidombo achiti aida kundipwanya musoro zvikaita kuti nditize. Ndava kugara ndichitya.”
Mutongi Beverly Madzikatire vakapa Manenji gwaro redziviriro.
Takesure akaudzwa kuti asatuka aimbove mudiwa wake uye kuti agare naye murunyararo.