Mangwanani akave manheru nekuchema 1

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

KWAKANGA kuna mambo ainzi Rugare akanga ari shasha yekurwa. Akati akurira mhandu dzake dzese, Mwari vakamupa runyararo nerugare. Akafarirwa nevanhu vazhinji.

Mambo Rugare akavaka muzinda unoshamisa waive imba yechigaro chake. Imomo mambo aigashira vaenzi, kunzwa nyaya nekuita mabiko. Mairidzwa mimhanzi, uye muchidetembwa nekurumbidzwa Musiki.

Mambo nevanhu vake vakagara murugare rwunonhuhwirira semaruva. Asi kwakazongouya chirombo chakabva mugehena. Chirombo-dhimoni ichi chainzi Gororo, uye chakaba mufaro wese mumuzinda zvekuti maruva akasvava, mwenje ikadedera.

Chaive chirombo cherudzi rwaKaini rwakanga rwadzingwa nekutukwa naMwari nekuda kwekuuraya Abheri.

Mumwe musi, mushure mekunge zuva radoka, Gororo akaenda kumuzinda waMambo Rugare. Mambo akanga apedza kudya nemachinda ake nevamwe vaenzi. Panguva iyi vakanga vachinzwa sarungano akanga achiruka ngano yenzou yakanga yadya mazai adhimba.  Chiriporipotyo, vakarivara chirombo-dhimoni chakaita mutemarege wembada.  Gororo akadzvinya varume makumi matatu akavaunganidza mumaoko ake sedzumbu remuriwo watanhwa.

Sekuuya kwaakanga aita, ndikowo kunyangarika kwaakaita nevarume ivavo, achienda navo kubako rake.

Zuva richiti vhuu, meso amambo Rugare nevakanga vapona akaona simba nehuipi hwaGororo. Moto wemufaro wavo wakadirwa mvura. Vakasara vati kanha, vachichema kuti Mwari matirasa. Mangwanani akave manheru nekuchema. Mambo Rugare vembiri vakanga zvino vangogara sechikwari chinorwara. Mwoyo wavo wakanga uchin’en’enwa nekurasikirwa kwavo neshasha dzemauto avo. Mambo vakanzwa mwoyo wavo uchigonya kunge zongororo rakakanganiswa.  Asi havana kuwana zororo nekuti husiku hwakatevera, Gororo mhondi isina tsitsi yakadzoka ikatsokodzera mwoyo wavo zvakare. Akauraya mauto nemachinda amambo zvinowundura mwoyo.

Nyoka inyoka, haisi shinda, Gororo akanga asina kana donhwe retsitsi maari.  Saka Gororo akaramba achidzoka kuzobvuta nekubvarura muzinda wamambo, kusvika washama sedendere rakasiiwa neshiri makore mashanu adarika. Kwegore rese, mambo vakatambudzwa nechikara ichi zvekuti pasina nguva, nyaya iyi yakatekeshera kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Vanhu vakaimba nziyo dzekuparadzwa kwemuzinda nerugare rwaMambo Rugare. Vanhu vakaimba nezvehasha dzaGororo nehutsinye hwake, ruvengo rwake uye nekuti akanga asiri munhu anoda runyararo kana kuripwa. Kwaari kurarama kwaireva kurwadzisa, kudeura ropa nekuparadza.

Hapana muyananisi aive nepfungwa dzekuti angagone kugarisa mhondi iyi pasi kuti pave nekutaurirana. Hapana akanga asiri panjodzi, vana nechembere vakavhimwawo nemumvuri werufu wainzi Gororo. Waive mumvuri wainyuka murima uchibhururuka semuseve.  Ndiani chaizvo angazive kuti rufu nerima zvinofamba munzira dzakaita sei? Saka Gororo akapura vanhu vaMambo Rugare sezvinonzi mupuri wezviyo ari pajakwara. Akanga ave muridzi wemuzinda waMambo Rugare nekuti kunze kana kwangoti tsvaa chete, aipururudza achiparadza.

Asi paasina kusvika chete, ndipo chaipo pachigaro chaMambo Rugare. Simba nechiyedza chaMwari hazvina kubvumira Gororo kuswedera pedyo. Gororo akanga ari murambwi, chiraswa chakasekwa naMwari. Gororo aive murimi werima.

Nguva idzi dzakave nguva dzakaoma kwazvo, nguva dzekunzwa mwoyo uchivedzengwa kuitwa midzonga, uchiturikwa pamutariro.

Mambo Rugare vakashanyirwa nemakurukota akawanda achiedza kuvapa mazano, vachironga nzira dzekudzivisa pfumo raGororo raifamba semumvuri.

Mambo vakasvika mukunopinda munzvimbo dzisina Mwari, vakaitiswa zvipiriso nekuitiswa mhiko nekudeketereswa kuti simba rerufu riuye kuzouraya Gororo kuti vanhu vavo vaponeswe.

Asi ine nhamo nenhunzi mombe isina muswe.  Uyewo, ane nhamo uyo anokanganwa Jehovha Mwari kana achinge asvika pakutambudzika zvekuti anozvipinza mumoto.

Asi akaropafadzwa uyo anoti nyangwe afa, anokwanisa kumhanyira mumaoko aMwari kunonyaradzwa nemufaro.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva muna Beowulf.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey