Manhuchu ane dovi kunaka!

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Manhuchu ane dovi kunaka! Manhuchu ane dovi

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU
MANHUCHU ane dovi kudya kunovaka muviri zvikuru.

Svondo rino Rudo Haitakwi wekuGokwe anotsanangudza mamwe mabikirwo emanhuchu zvine hunyanzvi.

Zvinodiwa:

Manhuchu kana kuti chibage chakadzvurwa, mvura yakachena, munyu, mafuta, dovi, mugoti nechikari kana kuti poto.

Mabikiro:

Geza manhuchu kusvikira achena.

Chianyurura mumvura woaisa muchikari kana mupoto wozodira makomichi mashanu emvura.

Kanda tumunyu twakaringana netwumafuta kuti asatsvirire nechepasi.

Kana mvura yave shoma, chiisa zvipunu zvitatu zvedovi.

Mona nemugoti kusvikira zvanyatsosangana.

Chisiya zvishinyire kwemaminitsi angakwana mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura udye nemhuri.

Manhuchu anodyiwa uchinwira-nwira nesvutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa.

Iyi imbuva yakakosha parwendo, kuchikoro kana kumabasa.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links