Manica Diamonds yadzinga Nhumwa

03 Oct, 2022 - 12:10 0 Views
Manica Diamonds yadzinga Nhumwa Johanisi Nhumwa

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu cheManica Diamonds nhasi chadzinga basa murairidzi wacho Johanisi Nhumwa pamwe chete nevatevedzeri vake vose.

Nhumwa adzingwa basa zvichitevera kukundwa kwakaita Manica Diamonds nezuro neDynamos FC 1-0 uye asiya chikwata ichi chakagara pechi10 palog kubva mumitambo 29 yachatamba mwaka uno.

Chinyorwa chabva kuManica Diamonds chinoti, “Manica Diamonds Football Club inoda kuzivisa vose vainoshanda nayo kuti taparadzana nemuridzi wedu, Johanisi Nhumwa nevatevedzeri vake.

“Tinotenda zvikuru nebasa ravakaita kuchikwata chedu saka tinovashuvira rombo rakanaka mune remangwana ravo.”
Manica Diamonds yabva yatsiva Nhumwa naJairosi Tapera uyo achange achitevedzerwa naTafadzwa Mashiri, Patrick Mandizha, Thembinkosi SIbanda nevamwe.

 

Share This:

Sponsored Links