Uncategorized

‘Manje ndinozvitaura . . .’‘MADZIBABA MAKANDIPFIMBA, INHEMA HERE?’

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘Manje ndinozvitaura . . .’‘MADZIBABA MAKANDIPFIMBA, INHEMA HERE?’ Madzimai Esnathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA ane mukurumbira wekuChitungwiza ari kupomerwa nemumwe mudzimai kuti akamuparadzira imba yake mushure mekumutumira mashoko erudo achimupfimba apo ainge aenda kwaari achinotsvaga rubatsiro izvo zvakazoita kuti arambane nemurume wake.

Mudzimai uyu anoti ainge achitsvaga kuti mwana wake uyo airwara nemwoyo abatsirwe apo muporofita uyu akashandisa mukana uyu kumukanda mashoko erudo, ayo mamwe acho “akazotsvedza” munhare ndokusvika mumaziso emurume wake.

Madzimai Esnathi — avo vanogara kuEpworth uye vanopindawo chechi yeJohane Masowe weChishanu — vanoti Madzibaba Elias Gomwe (41) akavaparadzira imba yavo apo vakaenda kwavari vachida kubatsirwa padambudziko remwana wavo uyo akazofa.

Vanoti vainge vakaroorwa uye vachigara zvakanaka nemhuri yavo, asi nekufamba kwenguva Madzibaba Elias akazotanga kuvatumira mashoko enyengo achivapfimba.

Zvisinei, Madzibaba Elias anorambisisa zviri kutaurwa nemudzimai uyu achiti ane vari kumutuma kusvibisa zita rake.

“Ndine shungu zvikuru nekuda kwamadzibaba uyu, akandiparadzira imba yangu. Maporofita aya ari kunyenga vakadzi vevanhu imo matinovharirwa umu.

“Madzibaba Elias vakati kunditorera mari yangu US$ 4 000, ndokuzondiparadzira imba yangu apo mameseji avainditumira panhare yangu akaonekwa nemurume. Ndakatorambwa izvozvi,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoyambira mamwe madzimai kuti vangwarire kumaporofita kwavanoenda vachida kubatsirwa kuti vanoparadzirwa dzimba dzavo vosara vave pamhene varume vavo vavasiya.

“Ini handisisina murume nekuda kwaMadzibaba Elias, pamusoro pazvo mwana wavaiti vanogona kurapa akafa vachindirambidza kuenda kuchipatara. Apa vaindipfimba ini ndichivaramba,” vanodaro Madzimai Esnathi.

Vanoti sezvo vaida kuti mwana wavo abatsirwe apore, vairamba vachienda kumuporofita uyu zvisinei nekuti vanoti aivakanda mashoko erudo ivo vachiramba.

“Sevanhu, tinenge takapererwa nematambudziko saka tinoitiswa zvose-zvose. Asi ndinoti ngatiedzei kuona kuti tazvidzivirira kubva kumaporofita aya, tinopedzwa navo,” vanodaro.

Pavakanzi neKwayedza varatidze umboo hwemashoko erudo avanoti akatumirwa panhare naMadzibaba Elias, Madzimai Esnathi vanoti, “Nhare yacho yakabatwa mashoko ainge abva kumuporofita uyu handina izvozvi sezvo yakatorwa nemukoma wangu, sisi vandinotevedzana navo nekuti murume wangu aida kuipwanya neshungu. Saka sisi vangu ndivo vakaitora, ndivo vakaichengeta kutaura kuno.”

Vanoti pakabatwa mashoko aya munhare yavo, pakaita kusawirirana kwakasimba nemurume wavo izvo zvakazoita kuti varambane.

Zvisinei, Madzibaba Elias anoramba nyaya yekuti akaparadza imba yaMadzimai Esnathi achiti haatomboziva mudzimai uyu.

“Munhu iyeye handimuzive, handina mukadzi akadaro wandakatumira mashoko erudo panhare yake. Ini ndine mukadzi wangu mumwechete wandinoda, handiite basa rekufamba ndichinyenga madzimai evanhu.

“Anonyepa mukadzi uyu, pane vari kumutuma kuti aparadze zita rangu. Ngavaite zvavo asi chokwadi ndinomira naMwari.

“Amai ava vanoda kundisvibisa, ngavabude zvakanaka munyaya yavo,” anodaro Madzibaba Elias.

Share This:

Sponsored Links