Manondo otarira mberi

28 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Manondo otarira mberi William Manondo

Kwayedza

PREMIUM

Abel Ndooka

MUTAMBI weCAPS United – William Manondo – uyo mwaka uchangodarika akahwina mubairo weGolden Boot, anoti chiremerera ichi chaisakwanisika pasina rubetsero rwevamwe vaanotamba navo muchikwata chavo pamwe chete nemurairidzi wake, Lloyd ‘Lodza’ Chitembwe.

Manondo akamuka chibhebhenenga mumwaka wake wekutanga ari kuGreen Machine izvo zvakamuona achinwisa ka17 ndokuhwina mubairo uyu apo akapedza ari pamberi pevamwe vatambi vakaita saWalter Musona weFC Platinum uyo akakwanisa kunwisa ka14 kuchiti Delick Murimba weNgezi Platinum akanwisa ka13.

Mubairo weGolden Boot uri kuona Manondo achiwaniswa US$6 375.

Kunyangwe hazvo akakundikana kunwisa kanodarika ka20 mumwaka mumwe chete, izvo zvakapedzisira kuitwa naNorman Maroto mugore ra2010, Manondo mwaka uchangodarika akabatsira chikwata chake zvikuru icho chaitatarika nekuda kwenyaya dzakawanda dzaisanganisira vatambi vaimboramba kutamba vachida mari dzavo dzebhonasi yavainge vasing...

Please subscribe to view this content.

Share This:

Sponsored Links