Manyoka anetsa kuManicaland

04 Dec, 2022 - 09:12 0 Views
Manyoka anetsa kuManicaland Manyoka

Kwayedza

PREMIUM

Tendai Gukutikwa

DUNHU reManicaland ndiro rine vanhu vakawanda vari kubatwa nechirwere chemanyoka munyika, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinozivisa.

Ongororo inoitwa nebazi iri svondo roga-roga inoratidza kuti vhiki rekupedzisira raGumiguru, mudunhu iri vanhu vakabatwa nemanyoka vanosvika 1 568, kuchiti kuMashonaland Central kwaive ne1 438.

Nyika yose vanhu 9 762 vakabatwa nechirwere chemanyoka, vamwe 10 ndokufa musvondo rimwe chete iri.

Pavanhu 10 ava, vatanhatu vakafira pachipatara cheSally Mugabe Central Hospital, kuchiti vaviri vakafira kuParirenyatwa Group of Hospitals.

Pavaviri vasara, mumwe akafira kuChitungwiza Central Hospital uye mumwe kuSanyati District Hospital.

Muongororo iyi, zvakaonekwa kuti pavanhu vabakatwa nechirwere ichi, 4 751 va...

Please subscribe to view this content.

Share This:

Sponsored Links