Langton Nyakwenda
MUMWE puromota wepasi rose akakurudzira Charles Manyuchi kuti ashandure danho raakatora rekusiya kutamba tsiva uye shasha iyi yave kutarisirwa kurwa mimwe mitambo mitatu ine mukurumbira.
Manyuchi (35) akazivisa kuti ave kusiya tsiva kutanga kwegore radarika.
Asi parizvino adzoka mumutambo uyu uye atove kuZambia uko achaita gadziriro kwenguva inodarika mwedzi asati asangana nemutambi wetsiva wekuLibya mumutambo usiri wemukombe muTripoli musi wa25 Gumiguru.
Manyuchi akaita mukurumbira muboka rewelterweight, ndokuzove shasha yeWorld Boxing Council Silver muna2016.
Akahwina zvakare mukombe weWBC International welterweight nebhande reWorld Boxing Federation middleweight asati azivisa hurongwa hwake hwekuenda pamudyandigere muna2023.
Manyuchi ave kutambira kuchikamu chelight heavyweight.
Akarema 104 kgs asati aenda kuLusaka, kuZambia nemusi weSvondo uye ari kutarisira kudzikisa huremu uhu ne25 kgs asati aenda kunorwa kuLibya.
Mutambi waacharwa naye achaziviswa nekufamba kwenguva asi nhaurirano dzekondirakiti yacho dzakaitwa.
“Ndasvika kuZambia kuti nditange gadziriro dzekudzoka kuzorwa.
“Semazuva ose, ndichange ndichishanda nemurairidzi wangu wekare Mike “Weaver” Zulu weOriental Quarries,” Manyuchi akaudza Zimpapers Sports Hub.
“Chokwadi ndakanga ndafunga kusiya tsiva asi mushure mekunyengetedzwa ndakasvika panguva yekuti ndakazviudza kuti, ndinofanira kupa basa rangu remutambo uyu mumwe mukana.
“Ini handikwanise kuburitsa zita rewandicharwa naye parizvino, asi zvese zviri mugwara,” anodaro mutambi uyu aimbove shasha yeAfrican Boxing Union.
Manyuchi akahwina mitambo makumi maviri nemipfumbamwe pamakumi matatu nemina yaakarwa.
Akakundwa mina uye ndokuita mangange kamwechete.
Mushure mekuzivisa hurongwa hwake hwekuenda pamudyandigere, Manyuchi akatanga kusimudzira tarenda revechidiki kuburikidza neCharles Manyuchi Boxing Academy.
Ari kudzidzisawo Tatenda Biningu, uyo akahwina mukombe weWBF Intercontinental munaChikunguru.