MAONERO EDU

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE iri kufambirana nedzimwe nyika pasi rose munyaya dzekushandiswa kwenzira dzechizvino-zvino dzakaita senhare, dandemutande nezvimwe mukutumira nekugashira mashoko.

Iyi ibudiriro huru inofanirwa kurumbidzwa nekuti yaita kuti pasi rose rikwanise kutumirana nekugashira mashoko nenguva pfupi pfupi.

Zvakawanda zviri kushandiswa nzira dzechizvino-zvino kutumirana mashoko izvo zvabatsira zvikuru.

Semuenzaniso, vadzidzi vava kukwanisa kuita tsvakurudzo yezvidzidzo padandemutande izvo zvinoita kuti fundo yavo ireruke.

Asi, budiriro iyi iri kukakangiswa nevamwe vave kushandisa social media seWhatsApp, Facebook nezvimwe nenzira dzisiri idzo.

Muenzaniso ndeweavo vanotumira mashoko enhema kuburikidza neWhatsApp kana rimwe dandemutande nekuda kwezvinangwa zvavo zvakasiyana. Mashoko emanyepo anotumirwa kuburikidza nesocial media anotenderera pasi rose nenguva pfupi-pfupi izvo kazhinji zvinokonzera kusagadzikana kwevanhu.

Dambudziko guru riri pakuti hapana munhu ane basa rekuongorora zvinotumirwa paWhatsApp kana paFacebook sezvinoitwa nemamwe masangano enhau kuona kuti ndezvechokwadi here zvisati zvaburitswa.

Izvi zvinoita kuti mashoko enhema anenge atumirwa vamwe vanhu vapedzisire vave kuaona seechokwadi.

Kune vamwe vanhu vanotenda zvose zvose zvinenge zvatumirwa padandemutande. Semuenzaniso, kune mashoko ari kutenderera anoti Zimbabwe ingona kusangana neimwe njodzi zvakare yemvura yemafashamu ine dutu guru.

Izvi zvinotevera mafashamu akaitika nguva pfupi yadarika eCyclone Idai, zvikuru kudunhu reManicaland ayo akauraya vanhu vane chitsama ndokuparadza zvivakwa zvakawanda.

Mashoko emanyepo ari kutenderera aya anoti kune mamwe mafashamu ari kuuya muZimbabwe anozivikanwa nekuti Cyclone Joanina. Kutenderera kwemashoko emanyepo aya kwakasvika pakuti Hurumende iudze veruzhinji kuti vasaterere nhema idzi.

Hurumende iri kuyambira zvakare veruzhinji kuti vasangotenda zvose zvinotumirwa pamaWhatsApp nekuti zvakawanda zvacho manyepo.

Panyaya yeCyclone Joanina, chokwadi chiripo ndechekuti mafashamu aya ariko, asi achaperera kugungwa reIndian Ocean asina kusvika muZimbabwe.

WhatsApp yave kushandiswa zvisirizvo uye pari zvino kune vamwe vari mushishi yekutumirana mifananidzo yevanhu vakafa munjodzi yemafashamu akawira Zimbabwe.

Pane kuti munhu azivise mapurisa kana vamwe vanoona nezvekuchengetedzwa kwemutemo kuti vaona vanhu vakafushirwa nekuda kwemvura yaive nedutu iyi, anotanga kutora mifananidzo achiitumira kune vamwe. Iyi itsika yakaipa zvikuru. Kare zvizvarwa zvemuZimbabwe zvaizivikanwa nekuve netsiye nyoro uye nemweya wekubatsirana kana mumwe awirwa nenjodzi. Nhasi uno kana pakaitika tsaona yemumugwagwa uye pakafa kana kukuvara vanhu, mifananidzo yacho inenge yave pasocial media nenguva diki-diki.

Kune vamwe vanototora mifananidzo yevanhu vanenge vachida rubatsiro panguva yenjodzi vachiitumira kubirikidza neWhatsApp pasina kana hanya yekubatsira. Mweya hwai wapinda muvanhu wekuti unotora mufananidzo wemunhu ari kuchemera kubatsirwa iwe uripo asi pasina zvauri kuita asi kutora mifananidzo chete?

Kunyangwe wanano dzakawanda dziri kuputsika nekuda kwekushandiswa zvisirizvo kwesocial media.

Vamwe ndivo vari kutumirana mavhidhiyo ezvinyadzi zvinova zvinobvisa hunhu zvachose. Hazvibatsire kutevedzera tsika dzemamwe marudzi nekuti dzakafumuka. Social media ngaishandiswe mune zvinosimudzira nekuvaka nyika kwete kuita mbiri yekutumira zvisina hunhu pangave paWhatsApp kana paFacebook.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey