MAONERO EDU: Baisai imbwa majekiseni

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
MAONERO EDU: Baisai imbwa majekiseni

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inosuwisa zvikuru – nyaya iri pamusoro pevanhu vanosvika 32 avo vanonzi vakafa munyika muno nekuda kwechirwere chechimbwamupengo mushure mekunge varumwa nembwa dzisina kubaiwa mejekiseni ekudzivirira denda iri.

Bazi rinoona nezvekurapwa kwezvipfuyo, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti vanhu vanosvika 44 321 vakarumwa nembwa uye vamwe 32 vakafa munyika yose nekuda kwechirwere chechimbwamupengo kana kuti “rabbies” pachirungu kubva muna 2018 kusvika mumwedzi waChikumi gore rino.

Pavanhu vakarumwa nembwa ava – 5 600 vavo vakarumwa nembwa dzakabaiwa majekiseni – vakawanda vacho vanonzi vana vane makore ari pasi pemakore gumi okuberekwa. Izvi zvinobva pakuti vana vazhinji vanofarira kutamba nembwa.

Chimbwamupengo chinonzi chiri kunyanya kunetsa mumatunhu anosanganisira Harare, Bulawayo neMasvingo.

Zviri pachena kuti vanhu vakawanda vanogara nembwa havazi kudzibaisa majekiseni senzira yekudzivirira chimbwamupengo.

Zvinorwadza chose kuona vanhu vachifa nekuda kwechirwere chinokwanisika kudzivirirwa.

Chimbwamupengo idenda risina kunaka zvachose nekuti harirapike uye munhu kana chipfuyo chinenge chabatwa nacho, kungomirira zuva rekufa chete.

Iyi inhau inorovesa hana zvikuru zvisinei nekuti kune vamwe vanogara nembwa vasina kana hanya nekudzibaisa majekiseni ekudzivirira chirwere ichochi.

Pasi rose, vanhu vanosvika 59 000 vanonzi vanofa nekuda kwechimbwamupengo pagore.

Vakawanda vanofa nekuda kwechirwere ichi vanonzi vanhu vemuAfrica neAsia uye vanenge vari vana vari pasi pemakore 15 okuberekwa.

Asi upenyu hwevanhu vari kufa nekuda kwedenda iri hunokwanisika kudzivirwa zviri nyore kana munhu wose akabaisa imbwa yake jekiseni rekudzivirira chimbwamupengo nenguva inenge yakatarwa.

Kunyika dzakabudirira seUnited Kingdom, hazviwanzoitika kuti zvinzi munhu afa nekuda kwechimbwamupengo nekudaro nyika dzichiri kusimukira seZimbabwe dzinofanira kutevera matsimba ematanho anotorwa nenyika dzakasimukira kuti dzikunde kurwisa kupararira kwechimbwamupengo.

Kunyika yeUnited States, kunonzi hakuna kana munhu mumwe chete anonzwikwa kuti atapurirwa chimbwamupengo nekuda kwemitemo yakaomarara maringe nekubaiswa kwembwa majekiseni senzira yekurwisa chirwere ichi.

Imbwa dzose dzinofanira kubaiwa majekiseni ekudzivirira chimbwamupengo uye hakuna imbwa dzinofanira kugara dzichingomberereka, mungave mumaguta kana mumadhorobha, dzichinzi hadzina varidzi.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vapihwe ruzivo rwakazara maringe nechimbwamupengo kuti hachirapike uye kuti chikuru kuchidzivirira.

Zvinorwadza kurasikirwa neupenyu nekuda kwechirwere chinokwanisa kudzivirirwa.

Ibasa remunhu wose kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>