Maonero edu: Coronavirus – Tose tine basa

05 Mar, 2020 - 10:03 0 Views
Maonero edu: Coronavirus – Tose tine basa Coronavirus

Kwayedza

Chirwere chinodaidzwa kuti coronavirus kana kuti COVID-19 cha- zengezana munyika dzose dzepasi rino zvichitevera kunyuka kwa- chakaita kudunhu reWuhan, kuChina, mwedzi mishoma yadarika.

Coronavirus kusvika pari zvino yatapukira kuvanhu vanosvika 80 000 kunyika 58 uye yauraya vamwe vanodarika 3 000.

Vazhinji vevanhu vafa ava ndevekuChina uko kwakatanga nechirwere ichi. MuZimbabwe hamusati mave nevanhu vane coronavirus.

Vanhu vaviri vaifungidzirwa kuti vane chirwere ichi vakavhenekwa nenyanzvi dzezveutano ndokuonekwa vasina utachiona uhu.

Hurumende pari zvino iri mushishi kutora matanho ekudzivirira kupinda kwechirwere chine zviratidzo zvinenge zve“flu” nechikosoro ichi munyika muno kuburikidza nevashanyi vanenge vachibva kunze kwenyika.

Matanho aya anosanganisira kuona kuti vashanyi vose vanenge vachipinda muZimbabwe kungava nekunhandare dzendege kana mimwe miganhu yenyika vaongororwa kuti havana chirwere ichi here.

Kuvhenekwa kuri kuitwa vashanyi uku kwakakosha zvikuru sezvo kunyika kwatekeshera coronavirus izvi zvakaitika kuburikidza nevanhu vaive vashanya, zvikuru vaibva kuChina.

Zvakakoshawo kuti vanhu vatore matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi anosanganisira kusashanyira nyika dzine coronavirus sezvo zvichivaisa panjodzi yekutapurirwa chirwere ichochi.

Veruzhinji vanokwanisa kudzivirira kupararira kwecoronavirus nekuita hutsanana pose pavenenge vari.

Mamwe matanho akakosha kugeza mawoko nesipo, kusabata maziso, mhuno kana muromo, kuvhara muromo kana munhu achikosoro neku- sadya chikafu chakatonhora uye chisina kubikwa zvakanaka – zvikuru nyama. Zviratidzo zvecoronavirus zvinosanganisira kupindwa nechando mumuviri, kukosora kwakanyanyisa, kutadza kufema zvakanaka nekun- zwa kupera simba. Chirwere ichi chinotapuriranwa kuburikidza nekuko- sora, kuve panzvimbo imwe chete nemunhu kana mhuka inacho kana kubata midziyo kana zvinhu zvinenge zviine “virus” yacho.

Zvakakoshawo kuti kana munhu akanzwa kuti muviri wake uri kupin- dwa nechando, kukosora kana kutadza kufema zvakanaka, aende kunorapwa nekukasira.

Coronavirus haisati yawanirwa mushonga wekuirapa nekudaro veruzhinji vanofanirwa kukoshesa nyaya dzeutsanana pose pavari nedonzvo rekuchengetedza utano hwavo.

Kune avo vange vaine nzendo dzekushanya kunze kwenyika, kana zvichigoneka, zvakakosha kumbomira kushanya uku kusvikira chir- were ichi chadzikama. Coronavirus haisarudze munhu wekubata kuti mupfumi here kana kuti murombo.

Kune dzimwe nyika, kune vakuru-vakuru vehurumende vakabatwa nacho, kusanganisira vanoona nezveutano.

Izvi zvinoratidza kuti coronavirus haizi yekuita zvedambe nayo nekuti kana vanhu vakasaita hutsanana, vanopera nechakapedza mbudzi.

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vasatevere zvose-zvose zvinotaurwa pamadandemutande esocial media akaita seWhatsApp apo vamwe vanotumira mashoko vachinyepa kuti coronavirus inorapika.

Social media yakanaka kana ichishandiswa nemazvo munyaya dze- budiriro yenyika, kwete kufambisa mashoko emanyepo.

Ibasa remunhu wose kurwisa kuti coronavirus isapinde kana kuzo- pararira muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG