MAONERO EDU: Covid-19 haina kwayati yaenda

22 May, 2020 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Covid-19 haina  kwayati yaenda Coronavirus

Kwayedza

NEMUSI weMugovera wadarika, mutungamiri wenyika President Mnangagwa vakazivisa matanho matsva pamwechete negwara rave kuzotorwa neZimbabwe apo nyika iri pakati pekurwisa chirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kunyevenutswa kwezvimwe zvirongwa zvanga zviripo nechinangwa chekumutsurudza zvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika.

President Mnangagwa vakazivisa kuti sanduko iri kuitwa neHurumende iyi haireve kuti chirwere cheCovid-19 — icho chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus — hachisisimo muZimbabwe. Vanoyeuchidza veruzhinji kuti Covid-19 ichiri muno uye panotoda kuramba pachitorwa matanho akasimba ekuipedza.

Mashoko aPresident Mnangagwa aya anofanirwa kukosheswa neveruzhinji kuti Zimbabwe ikunde muhondo yekurwisa chirwe chawanikwa chiri muvanhu 46 kusvika pari zvino mushure mekunge vavhenekwa muno ichi.

Pavanhu ava, vana (4) vavo vakatoshaya uye huwandu hwevarwere vari kubatwa vainacho huri kukwira zvishoma nezvishoma.

Ongororo dzainge dzamboti kusvika paizopera mwedzi waKubvumabi, muZimbabwe mainge mava nevanhu 1 000 vabatwa vaine  Covid-19. Asi huwandu hwevawanikwa vainacho huri kuzasi zvikuru pane fungidziro iyi.

Chinogona kunge chaita kuti varwere veCovid-19 vave vashoma zvakanyanya pane vaitarisirwa inokwanisa kunge iri nyaya yematanho akakasika kutorwa neHurumende mukuedza kumisa chirwrere ichi.

Naizvozvo veruzhinji vanofanirwa kuziva kuti chokwadi Covid-19 ichirimo muno saka zvakakosha kutevedzera kurudziro dzose dzinobva kuHurumende nemamwe mapoka ezveutano seWorld Health Organisation kuitira kuchengetedza upenyu.

Vanhu vose ngavarambe vachipfeka mamasiki pose pavanenge vabuda mudzimba dzavo vachienda panzvimbo dzeveruzhinji.

Izvo zvekuti vamwe vari kuenda paruzhinji vakarembedza mamasiki muhuro sezvinonzi matayi emucheno hazvibatsire uye zvinopa mukana wekuti hutachiona hwecoronavirus hupararire.

Vanhu ngavarambe vachikoshesa hutsanana mudzimba — kugeza maoko nesipo nemvura yakachena uye inochururuka kunobatsirawo zvikuru. Ihwo hutsanana hwagara hwakangonaka kani.

Nyaya yekuti vanhu vagare, kumira kana kushanda vachisiya chinhambwe chemita rimwe chete kana kudarika pakati pavo (social distancing) inoda kuramba ichikosheswa.

Izvo zvekuti vanhu vanomanikidzirana mumarori avari kukwira pakuenda nekudzoka kunzendo dzavo kutozviisa panyatwa yeCovid-19. Inga muri kungoona mumabhazi eZupco vanhu vakagara vakataramukana wani.

Kunonoka kuenda kuri nani pane kurwara kana kufa.

Kana uchikosora, kosorera kana kuhotsirira muhapwa, siyana nekubata maziso, mhuno kana muromo nemaoko asina kushambidzwa uye vanhu vakuru onai kuti vana vari kutambira mudzimba nguva ino yecoronavirus.

Chirwere cheCovid-19 chichiriko uye chakaipisisa. Asi tikatevedera zvose zvinodiwa tinokwanisa kuchikurira tichitodzivirira kurasikirwa neupenyu.

Zviri kungoda mushandirapamwe. Iwe neni tichine basa!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey