MAONERO EDU- Covid-19: Hondo haisati yapera

05 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
MAONERO EDU- Covid-19: Hondo haisati yapera

Kwayedza

SVONDO rino Hurumende yakatora matanho ekusimbaradza chirongwa chekuti veruzhinji vasangofambe-fambe asi kuti vagare kudzimba senzira yekumisa kupararira kwehutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kukwira kuri kuita vanhu vavhenekwa ndokuwanikwa vaine Covid-19 avo nemusi weChipiri vange vasvika 206.

Zimbabwe iri padanho rechipiri reLevel 2 lockdown rekurwisana nekupararira kwechirwere ichi.

Nemusi weMuvhuro uno, vanhu vakawanda vainge vakatakurwa nemabhazi eZupco pamwe chete nevedzimotokari avo vaida kupinda muguta reHarare vasina magwaro akakwana vakadzoserwa kudzimba nemapurisa.

Danho iri rinotevera kuwanda kwange kwave kuita vanhu vari kufamba nzendo zvisina tsarukano izvo zvine njodzi yekukonzera kupararira kweCovid-19.

Hongu, pakave nekugeda-geda kwemeno nekuda kwematanho ari kutorwa nemapurisa aya asi akakosha mukudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Hazvina musoro kuti vanhu varegedzwe vachiita madiro asi pakupedzisira nyika yozotarisana nedambudziko guru apo vakawanda vanenge vabatwa neCovid-19.

Mukati meguta reHarare, kune vamwe vanhu vanotengesa zvakasiyana semuriwo nevanochinja mari mumigwagwa avo vange vatodzoka munzvimbo dzavo zvisinei nekuti mabasa akadai haazi kutenderwa.

Vamwe vari kuonekwa zvakare vachitengesa mabhero embatya mumigwagwa kunzvimbo dzinosanganisira kuMbare.

Kunzvimbo dzakadai kuri kuungana vanhu zvinoita kuti nyika ive panjodzi huru yecoronavirus.

Pamusoro pezvo, Hurumende nguva yadarika yakatora danho rekurambidza kutengeswa kwembatya dzemabhero senzira yerwisa Covid-19.

Dzimwe dzembatya idzi dzinenge dzabva nekunyika dziri kunetseka nechirwere ichi nekudaro kutengeswa kwadzo muZimbabwe kuisa utano hweruzhinji panjodzi yekubatira zvirwere.

Zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose anodiwa mukudzivirira kupararira kwedenda iri.

Kune vamwe vanhu vave kungomberereka mungave mumarokisheni kana munharaunda dzavanogara vasina kupfeka mamasiki.

Vamwe ndivo vanozopfeka mamasiki kana vatoona mapurisa, kunove kutamba neupenyu chaiko.

Masiki haipfekerwe kutya mupurisa asi kudzivirira Covid-19.

Zvinotoshamisa zvakare kunzwa kuti kune vamwe vari kuhwandisa hama dzavo dzinenge dzabva kunze kwenyika vasingazivise mapurisa kana vezveutano kuitira kuti vavhenekwe uye kuongororwa kana vasina chirwere ichi sezvinodiwa nemutemo.

Chisingazivikanwe nevanhu vakadai ndechekuti mhuri yose inogona kupera kuti tsvai nechakapedza mbudzi kana vakada kuita dambe neCovid-19.

Tinogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekudzidzisa madzishe, masadunhu nevamwe vakuru vematunhu pamusoro penjodzi yekuhwandiswa kwevanhu vanenge vabva kunze kwenyika vasina kuvhenekwa kuti zvionekwe kuti havana hutachiona hwecoronavirus here.

Hondo yekurwisa kupararira kweCovi-19 ichiripo uye inoda mushandirapamwe nechirwirangwe kuti tigoikunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey