Maonero Edu: Covid-19: Zvinhu zvanyangara

21 Jan, 2021 - 11:01 0 Views
Maonero Edu: Covid-19: Zvinhu zvanyangara

Kwayedza

CHIRWERE cheCovid-19 chiri kupararira zvakanyanya munyika muno uye huwandu hwevanhu vari kufa nacho huri kukwira zuva nezuva unove mucherechedzo wekuti mamiriro ezvinhu haana kunaka zvisinei nekuti Hurumende iri kuedza nepainogona kurwisa denda iri.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 28 675 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 18 110 vakatopona asi vamwe 825 vakafa.

Vanhu 52 vakafa nemusi uyu chete apo vamwe 60 vainge vashaya neMuvhuro hunove huwandu hwakakwira zvikuru kubvira pakanyuka chirwere ichi munyika muno munaKurume wegore rapera.

Kana tikatarisa huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine Covid-19 nevari kufa, zviri pachena kuti zvinhu zvave kuenda kumawere uye munhu wose anofanirwa kuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Kusvika pari zvino, hapana munhu angati haana hama, shamwari kana mumwe waanoziva afa kana kumbobatwa nechirwere ichi.

Nyika yose iri kuchema zuva nezuva nekuda kwedenda iri zvekuti kana vanhu vakaita zvedambe panyaya yekutevedzera matanho akatarwa ekurwisa Covid-19 tinopera nechakapedza mbudzi.

Ino haisisiri nguva yekuti vanhu vanoita zvekugombedzerwa nekumanikidzwa kuti vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo inoungana vanhu.

Masiki haipfekerwe kutya mupurisa asi kuti kuchengetedza upenyu hwako. Hurumende yakadzika mitemo ine chitsama nedonzvo rekuedza kumisa kupararira kwechirwere ichi nekudaro inofanirwa kutevedzerwa pasina kumanikidzwa kana kutsaudzira.

Kune vamwe vanhu vachiri kuonekwa vachingomberereka mungave mumaguta akadai seHarare kana kumaruwa zvisina chinangwa zvisinei nekuvepo kwemutemo unokurudzira kuti veruzhinji vambogare kudzimba.

Chisingazivikanwe nevamwe ndechekuti apo vanomberereka munzvimbo dzakasiyana vanenge vachizviisa panjodzi pamwe chete nemhuri nevadikani vavo yekubatira Covid-19.

Vamwe ndivo vari kutyora zvakare mutemo unorambidza veruzhinji kufamba kubva nenguva dza6 manheru kusvika na6 mangwanani (curfew).

Tinogamuchira nemaoko maviri danho rakatorwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) rekusunga vanhu vanofamba netsoka nevedzimotokari vanotyora mutemo wecurfew uyu.

Mutemo wekuti vanhu vasafambe munguva dzakatarwa idzi wakadzikwa gore rapera pakatanga chirongwa chekurwisa Covid-19 zvisinei nekuti kune dzimwe nhinhi dzisinganzwe dziri kuramba dzichiita madiro.

Sekutaura kwemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vangave vanhu vanofamba netsoka kana vedzimotokari havatenderwe kufamba munguva dzakatarwa idzi.

Mamiriro akaita nyaya yechirwere cheCovid-19 anongoda kuti munhu mumwe nemumwe aone kuti akoshesa utano neupenyu hwake uye otevedzera mitemo yakatarwa yekurwisa denda iri.

Hazvina huchenjeri kumanikidzwa nevabati vemutemo vanosanganisira mapurisa kuti munhu asazviise panjodzi yekutapurirwa chirwere ichi.

Share This:

Sponsored Links