MAONERO EDU – Education Act: Ndiko kugona

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE svondo rapera yakadzika mutemo mutsva weEducation Amendment Act, uyo unorambidza kudzingwa chikoro kwevanasikana vanenge vamitiswa vachiri kudzidza.

Pamusoro pezvo, pasi pemutemo uyu imhosva zvakare kudzinga mwana anenge asina kubhadharirwa mari dzechikoro uye maticha haatenderwe kuranga mwana nekumurova.

Mutemo uyu usati wadzikwa, pakave negakava guru apo waikurukurwa mumatare maviri anoumba dare reParamende anoti reNational Assembly neSenate.

Kunyangwe veruzhinji vaipawo mafungiro avo akasiyana zvakare sezvo mutemo uyu uchibata-bata vanhu vakawanda.

Kune vamwe vane mafungiro ekuti kana vana vakatenderwa kudzidza vaine pamiviri zvinoita sezvinotokurudzira vamwe kuita misikanzwa vachiziva kuti havazodzingwe chikoro sezvaiitika kare.

Koitawo vamwe vanoti mutemo uyu uripo pakuenzanisa mwanasikana nemwanakomana panyaya yekuwana dzidzo.

Mutemo uyu usati wavepo, mwanasikana aiti akaitiswa pamuviri nemukomana waanodzidza naye, iye chete ndiye aidzingwa chikoro asi mukomana osara achienderera mberi.

Uku kwaive kutyora kodzero dzemwanasikana uye kumusarudza nekudaro tinogamuchira nemaoko maviri kudzikwa kwemutemo uyu.

Kusiyana nezvinofungwa nevamwe kuti mutemo uyu unogona kutuma vana kuita misikanzwa, semaonero edu unoenzanisa mwanasikana nemwanakomana munyaya yedzidzo.

Hazvisi nyore kuti musikana achiri kuenda kuchikoro agomitiswa nemawune achiti pave nemutemo unomudzivirira sezvo kuita kwakadai kuchimubvisa chimiro pamwe chete nevabereki vake.

Nyaya yevanasikana vanomitiswa vachiri pachikoro haiitike muZimbabwe bedzi, asi kuti munyika dzose.

Ichi ndicho chikonzero sangano remubatanidzwa reAfrican Union richikurudzira nyika dziri muAfrica kuti dzidzike mitemo inoona kuti vanasikana vanopihwa pamiviri vanoramba vachienda kuchikoro.

Sangano reUnited Nations rinoti zvakare Africa ndiyo ine nyaya dzakawanda pasi rose dzevanasikana vanomitiswa vachiri vaduku.

Vanasikana kubvira kare kodzero dzavo dzaingotyorwa maringe nekuwaniswa mukana wekudzidza wakaenzana nevanakomana.

Kare, kune vamwe vabereki vaisakoshesa dzidzo yemwanasikana vachiti kana akakura anoroorwa izvo zvasiyana nanhasi uno.

Mutemo mutsva uyu unorambidza zvakare kurohwa kwevana nematicha panguva iyo vanenge vari kuchikoro.

Nyaya yekurohwa kwevana nevarairidzi yange yakurumbira zvikuru munyika muno apo vamwe vavo vaisvika pakutokuvara zvakaipisisa zvekupedzisira vaendeswa kuzvipatara kunorapwa.

Kune vabereki nevadzidzisi vakawanda vane pfungwa yekuti mwana anofanirwa kurohwa kuitira kuti aite zvinenge zvichidiwa kana kuti apfidze kuita misikanzwa.

Asi, pasi pemutemo uyu uku kutyora kodzero dzake uye imhosva inoendesa munhu kujeri.

Kune nzira dzakawanda chaizvo dzinogona kushandiswa nevadzidzisi nevabereki dzekuranga vana pasina kuvarova nekurwadzisa nyama yavo.

Kudzikwa kwemutemo weEducation Amendment Act idanho guru mukuchengetedza kodzero dzevana vechikoro.

Share This:

Sponsored Links