MAONERO EDU: Fundo ngaiunze budiriro munyika

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views

Kwayedza

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina pari zvino riri mushishi kuvandudza dzidzo kuti ienderane nezvinodiwa mumabasa anoitwa muzvikamu zveindasitiri zvakasiyana nedonzvo rekusimudzira upfumi hweZimbabwe.

Kuvandudzwa kwedzidzo yepamusoro uku kunotevera ongororo yakaitwa nebazi iri ndokuonekwa kuti fundo iri kuwaniswa vadzidzi pari zvino haizi kuenderana nehunyanzvi hunodiwa kana munhu apedza dzidzo, ave kushanda muindasitiri.

Fundo iyi iri kuperevera pane zvinodiwa muindasitiri sezvo iri pamusoro peruzivo rwemabhuku chete.

Bazi redzidzo yepamusoro iri rakaona zvakakosha kuti kumayunivhesiti nemamwe makoreji ari kumativi mana enyika kuve nemizinda iyo vadzidzi vanofundiswa hunyanzvi hwemabasa akasiyana.

Mizinda iyi inodaidzwa kuti “Innovation Hubs” uye pari zvino iri kuvakwa mumayunivhesiti matanhatu ari pasi peHurumende.

Iri kuvakwa kumayunivhesiti anosanganisira University of Zimbabwe (UZ), Midlands State University (MSU) neNational University of Science and Technology (NUST).

Hurumende kusvika pari zvino yashandisa mari inoita $18 miriyoni mukuvakwa kwemizinda iyi.

Chinangwa chikuru ndechekuti vadzidzi vakwanise kugadzira michina yakasiyana iyo inobatsira mubudiriro yenyika kwete kuti fundo yongoperera muruzivo rwemabhuku bedzi.

Chirongwa chekuvakwa kwemaInnovation Hubs chakatanga gore rapera uye pari zvino chave kutoratidza zvibereko zvinobatika.

Semuendaniso, paUZ pane vadzidzi vari kushandisa ruzivo rwavari kuwana kuburikidza nemizinda iyi mukugadzira michina yakasiyana.

Mumwe wevadzidzi wepayunivhesiti iyi – uyo ari kuita zvidzidzo zveComputer Science – akatogadzira muchina wemadiridziro unodaidzwa kuti Irrigation Nod.

Muchina uyu une dhiramu rinopinda mvura rinenge rakabatanidzwa nemapombi anoburitsa mvura pashoma-pashoma ichienda kuzvirimwa.

Pane kamuchina zvakare kanenge kachiverenga nguva nehuwandu hwemvura inenge yaenda kuzvirimwa.

Izvi zvinobatsira murimi kuti azive huwandu hwemwando hunenge hwapinda muzvirimwa.

Kunze kwaizvozvo, mumwe mudzidzi wapaUZ zvakare anonzi akabudirira kuita ongororo maererano neutachiona hunowodza zvirimwa zvakaita sematomatisi.

Pane mimwe miti inonzi ikafukidzwa nepurasitiki pamwe nematomatisi haazowori.

Ruzivo rwakadai rwakakosha zvikuru sezvo zvichibatsira varimi kuti vasarasikirwe negoho ravo kuburikidza nekuwora.

Nyika dzakabudirira pasi rino rose, idzo dzinosanganisira China, dzinokoshesa nyaya yekuti vadzidzi vange vachiwana fundo yemabasa emawoko uye neruzivo rwekugadzira michina yakasiyana.

Zviri pachena kuti mamwe matambudziko ari kusangana neZimbabwe munyaya dzekusimudzira upfumi hwavo anokwanisa kupedzwa nekushandiswa zvizere uye kutsigirwa kwemaInnovation Hubs aya.

Zimbabwe inozivikanwa pasi rose munyaya yekuve nevanhu vanogona kuverenga nekunyora, nekudaro fundo iyi ngaishandiswe mukusimudzira upfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>