MAONERO EDU: Goho rinoda kuchengetwa

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
MAONERO EDU: Goho rinoda kuchengetwa

Kwayedza

VARIMI vakawanda kumatunhu mana enyika parizvino vave kugadzirira kukohwa zvirimwa zvavo uye vamwe vakatotanga kare.

Nguva yekukohwa inotarisirwa zvikuru nevarimi sezvo ndipo panobuda kuti munhu ihurudza here kana kuti kwete.

Asika, kana murimi akasangwarira anogona kurasikirwa nechikamu chikuru chegoho rake kuburikidza nezvikonzero zvakasiyana.

Murimi anokwanisa kurasikirwa negoho kana akanonoka kukohwa sezvo zvirimwa zvinogona kuparadzwa nehudyi hwakadai sezvipfukuto. Kune vamwe varimi vanokohwa vasina hanya zvakare zvekuti vanenge vachisiirira dzimwe mbesa mumunda izvo zvinoita kuti varasikirwe negoho ravo. Zvakakosha kuti murimi azive nguva chaiyo yekukohwa zvirimwa zvake zvakadai sechibage kana nzungu kuitira kuti goho rake risaderere. Kana chiri sechibage, chinoda kukohwewa chanyatsoona chisisina mwando wakawandisa sezvo chinogona kumera.

Kune vaye vanoda kutengesa chibage chavo kuGrain Marketing Board, vanofanira kuona kuti hachina mwando unodarika 12,5% sezvinotarisirwa neGMB.Chibage chine mwando unodarika 12,5% chinonzi chinokwanisa kuodza chimwe mumatura kana kukonzera kubvira kwawo nekuda kwekupisa kunobva muhunyoro hwacho apo chinosangana munzvimbo yachinenge chakavharirwa.

Nzungu zvakare dzikanonoka kukohwewa dzinomera izvo zvinoita kuti murimi arasikirwe negoho. Panguva yekukohwa iyi, murimi anofanira kuona kuti ane pekuisa goho rake pakachengetedzeka.

Vamwe varimi vanoisa chibage chavo mumatara vozochipura kana kukuruza vave kuisa mumatura. Kana murimi akasatora matanho akakodzera kuchengetedza goho rake parinenge rave mudura, anogona kurasikirwa naro zvakare kuburikidza nehudyi hunosanganisira zvipfukuto. Nekudaro zvakakosha kuchengetedza goho nekuisa mishonga inokurudzirwa mungave muchibage, munzungu kana mune zvimwe zvirimwa. Varimi vanokurudzirwa kuti vatenge mishonga iyi kuzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo. Tinodaro nekuti murimi anogona kupedzisira atengeserwa mishonga yemanyepo pamusika wemukoto achinzi ndeye kuchengetedza goho kuti risaparadzwe nehudyi.  Varimi vanogonawo kutsvaga mazano kubva kumadhumeni emunharaunda dzavo pamusoro pemishonga yakakodzera kushandisa mukuchengetedza goho ravo.

Kune vamwe vaye vanotenga mapiritsi anoiswa muchibage anouraya zvipfukuto ayo anoda kushandiswa nemunhu ane ruzivo nezvawo.

Tinodaro nekuti kune vamwe vakarasikirwa neupenyu kana kupedzisira vorwara nekuda kwemapiritsi emhando iyi.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatenge mapiritsi aya kuzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo uko vanotsanangurirwa mashandiro awo.

Nyanzvi dzinoona nezveutano dzinoti mapiritsi aya ane njodzi huru kuutano neupenyu hwevanhu kana akasashandiswa nemazvo.

Mapiritsi aya anonzi akange aiswa panzvimbo — zvikuru inenge yakavharwa  — ane simba rekubvisa mweya wose unofemwa nevanhu weoxygen achisiya carbon monoxide. Izvi zvinoreva kuti kana paine chinhu chipenyu panzvimbo inenge yaiswa mapiritsi aya, hachikwanise kurarama.

Nekudaro munhu akagara kana kurara mumba munenge maisw mapiritsi aya pane njodzi huru yekuti anoshaya mweya wekufema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey