MAONERO EDU: Handi nzara, chipfambi

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Handi nzara, chipfambi

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inorwadza zvikuru yevadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro zvemayunivhesiti nemakoreji avo vanonzi vamwe vavo vari kuchaya mapoto kudzimba dzavanenge vachiroja vachienda kuchikoro.

Zvinonzi vadzidzi ava, vazhinji vavo vasingagare pavanenge vachidzidza, vari kupedzisira vogara mukomana nemusikana vachitoita semukadzi nemurume vakawanana.

Vanhu vepamba pavanenge vachiroja hapana chavanenge vachiziva sezvo vachifunga kuti mudzimai nemurume wake, izvo kwete — vanenge vachitochaya mapoto.

Vadzidzi ava vanonzi vari kuita izvi senzira yekuti zvivarerukire panyaya yekubhadhara rendi uye nekutenga chikafu.

Kunyangwe avo vanogara pangave payunivhesiti kana pakoreji, vamwe vavo vanonzi vari kutsvaga varume vakuru kana madzimai makuru kwavari vodanana navo avo vanozivikanwa nekunzi “mablesser”.

“Mablesser” aya anenge achivapa zvose zvavanoda kusanganisira mari nechikafu.

Munyaya yatinayo svondo rino, mumwe mudzidzi wechidzimai anoratidza kuti akatumira mashoko pafoni yemukomana waanofunda naye payunivhesiti imwechete achikumbira usavi hwematemba.

Musikana uyu anosvika pakuudza murume uyu kuti zviri nani arare naye achishandisa kondomu kana achinge amupa matemba bedzi.

Hunhu hwakadai hunoshatirisa pamwe nekukahadzisa.

Chokwadi munhu angazvipire kurara nemukomana mushure mekunge apihwa matemba? Zvozodii?

Hongu, zvinhu zvinogona kunge zvakaoma munyaya dzeupfumi hwenyika, asi handizvo zvingaite kuti munhu asvike pakupererwa zvakadai.

Chipfambi chakaipa uye hazvinei nekuti munhu angapa zvikonzero zvakaita sei.

Zvakakosha kuti vadzidzi vave nehunhu hwakanaka uye kuzvibata.

Kune vamwe vanosvika pakutapurirwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira utachiona hweHIV, nekuda kwekusazvibata.

Vamwe vadzidzi vechidzimai vari kupihwa pamuviri pasina kurongeka zvakare.

Hurumende ine chirongwa chekupa vadzidzi vekuzvikoro zvepamusoro zvikwereti kuitira kuti vakwanise kubhadhara fizi nezvimwe zvinodiwa.

Vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji ngavatore mukana wechirongwa ichi kwete kuita hunhu hwakafumuka kudaro.

Chokwadi mukomana nemusikana vangagare vose vachichaya mapoto semukadzi nemurume apa vabereki vachifunga kuti vana vari kuchikoro?

Hapanai kumwe kufumuka nekushaya hunhu kunodarika apa.

Zvakangokoshawo kuti munhu mumwe nemumwe ave anozviremekedza.

Vabereki vanofanirwawo kuita shungu dzekuona panenge pachigara vana vavo apo vanenge vari kuchikoro.

Sekutaura kwegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina, Professor Amon Murwira, Hurumende inoshora zvikuru hunhu hwakafumuka huri kuitwa nevamwe vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji.

Kunyangwe zvazvo kuzvikoro zvepamusoro kuchiendwa nevadzidzi vanenge vabva zera, vanofanirwa kuve nehunhu hunoyemurika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey