Maonero Edu: Hwindi ibva wadzidza

24 Sep, 2020 - 09:09 0 Views
Maonero Edu: Hwindi ibva wadzidza

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya yekubatsirwa kuri kuitwa mahwindi nevatyairi vemakombi nerimwe sangano rakazvimirira nechinangwa chekuti vawane raramo zvichitevera kumiswa kwakaitwa mota dzavo kufamba mumigwagwa neHurumende nedonzvo rekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mumwedzi waKurume gore rino, Hurumende yakatora danho rekuti makombi nemamwe mabhazi anotakura veruzhinji zvimbomira kufamba izvo zvaona mahwindi akawanda achikwangwaya nenhamo.

Makombi aya asati amiswa kufamba, mahwindi aizivikanwa nehunhu hwavo hwakaipa uye kutsondokota mari yavaiwana nemhutswa.

Hunhu hwakaipa uhu hunosanganisira kutaura zvinyadzi pajekerere, kutora zvinodhaka pachena, kusageza, kutuka vanofamba kana kusvika pakuvarova chaiko mushure mekutadza kuwirirana.

Makore adarika, pane imwe harahwa yakafa pachiteshi chepanaSimon Muzenda (yaimbonzi Fourth Street) muguta reHarare apo panokwirirwa mabhazi anoenda kwaMutare nedzimwe nzvimbo mushure mekunge yarohwa nemahwindi.

Izvi zviri pachena kuti mahwindi kana akaregererwa achiita zvaanoda, hunhu hwavo hwakashata hunoenderera semoto wesango.

Vanofamba vagara vachichema-chema nekuda kwehunhu hwemahwindi uhu. Vanhukadzi vange vototya kana kufamba sezvo vamwe vaisveeredzwa kana kupotsa vakatanurwa mbatya dzavanenge vakapfeka pajekerere vachinzi “imini”.

Ichi ndicho chikonzero chikuru chakaita kuti vanhu vakawanda vatambire nemawoko maviri danho rakatorwa neHurumende rekumbomisa makombi kufamba zvisinei nekuti zvakapinza mahwindi nevatyairi vacho panzara. Pari zvino makombi ari kufamba ndeayo akanyoreswa pasi pekambani yeZupco uyewo mamwe mabhazi akazvimirira achatenderwa kufamba zvakare pakati pemaguta mushure mekunge azadzikisa zvose zvinodiwa nemutemo.

Zviri pachena kuti kumiswa kwakaitwa makombi kuti afambe kwakakanganisa zvikuru upenyu hwemahwindi nevatyairi vedzimotokari idzi avo vazhinji vavo vaiita mari yekupfachura pamazuva avaishanda. Muhurukuro yakaitwa neKwayedza nemumwe hwindi anogara kuMufakose, muguta reHarare, anoti iye zvino vapfidza uye vave kuziva kukosha kwevanhu vavanotakura sezvo vari kufa nenzara zvichitevera kumiswa kwakamboitwa makombi.

Hwindi uyu anoti hunhu hwavanoita hwakaipa hunokonzerwa nekufurirana kwavanoita kana vari pabasa ravo.

Pamusoro pezvo, anoti zvakare dzimwe dzetsika dzakaipa dzinoenderana nekumba kunobva munhu uyewo nekutora zvinodhaka kwavanoita. Hwindi uyu anotenda zvikuru sangano rakazvimirira riri kuvabatsira kuti vawane raramo sezvo kunze kwekupihwa chikafu, vari kudzidzisawo mabasa emaoko sekugadzira magetsi.

Kudzidziswa mabasa emaoko uku kwakakosha nekuti zvakafanana nekupa munhu chirauro kuti azvibatire hove oga pane kungopihwa hove achidya agere.

Svondo rino, sangano rinomirira vanamuzvinhabhizimisi vanoita zvemakombi reGreater Harare Association of Commuter Operators rakanyorera kuHurumende richikumbira kuti paitwe musangano uri pamusoro pemashandiro anotarisirwa vemakombi kuti vatevedzere kana vachinge vazotenderwa kufamba zvakare.

Tinovimba kuti kugara kwaita vemakombi vasingashande kubvira munaKurume kusvika pari zvino kwavapawo zvidzidzo zvakawanda.

Hazvina kunaka uye kushaya njere zvachose kushungurudza vanhu vanozvifambira nevabereki vanoita kuti bhizimisi remakombi riendeke.

Share This:

Sponsored Links