Maonero Edu: Ivai nehanya neupenyu

12 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Maonero Edu: Ivai nehanya  neupenyu

Kwayedza

ZIMBABWE inonzi mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) ndiyo ine chikamu chevanhu vakawanda vari kufa nechirwere cheCovid-19 kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika uye pachitariswa vanhu vari kubatwa nedenda iri, vari kupona uye ndufu (fatality rate).

Dr Agnes Mahomva — avo vanova Chief Coordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet — vanoti kunyangwe zvazvo huwandu hwevanhu vane chirwere ichi muZimbabwe hwakaderera kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri muSadc, nyika ino iri pamusoro kana zvichitariswa chikamu chevari kufa uye chichienzaniswa nevarwere vabatwa nedenda iri.

Vanoti chikamu chevanhu vari kufa chiri pa2.9 percent, chinova chakakwira kudarika dzimwe nyika dziri mudunhu rino, dzimwe dzacho dzine varwere vakawanda veCovid-19 kudarika vemuZimbabwe.

Kunyangwe zvazvo nyika ino iine vanhu vakawanda vari kupona kuchirwere ichi (94.2 percent), vamwe vari kubatwa neCovid-19 vari kufa.

Nerimwe divi, kunyangwe zvazvo South Africa iri iyo ine vanhu vakawanda vane chirwere cheCovid-19 avo vanodarika 734 175 ne19 749 vafa, chikamu chavo chevari kushaya chiri pa1.4 percent.

Vanhu vafa nedenda iri kuBotswana chikamu che2 percent apo Zambia iine 2.1 percent.

Mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

Zviri pachena kuti vanhu vakawanda vave kuita chijairira panyaya yekuzvidzivirira kuCovid-19.

Kune vamwe vasisina hanya nekutevedza matanho akatarwa ekumisa kupararira kwedenda iri.

Vamwe vanhu vari kuonekwa vachifamba munzvimbo dzinosangana veruzhinji sepakati pemaguta vasina kupfeka mamasiki.

Hongu, kunze kuri kupisa zvikuru mazuva ano asi ichi handicho chikonzero chingaite kuti munhu asakoshese utano hwake nekurega kupfeka masiki.

Zviri nani kutsva nezuva munhu wakapfeka masiki yako pane kuisa utano neupenyu panjodzi.

Kune vamwewo vari kuonekwa vachiungana kuzviteshi zvemabhazi, muzvitoro nekune dzimwe nzvimbo.

Chirwere cheCovid-19 chichiriko sezvo zuva nezuva kuine vamwe vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Vamwe vanhu vachiri kufa nekuda kwechirwere ichi zvakare zvinoreva kuti hachizi chekuita zvedambe nacho.

Kunyika dziri kumatunhu anosanganisira Europe neNorth America, denda iri riri kunyuka kechipiri uye ratonyanya kusimba.

Izvi zviri kuona nyika dziri kumatunhu aya dzichidzokera zvakare padanho rekutanga rekurwisa Covid-19 apo veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare kudzimba uye kuti vasafambe-fambe.

Hongu, nyanzvi dzezveutano pamwe neHurumende vanoti vakagadzirira kunyuka kwechirwere ichi kechipiri munyika muno asi izvi handizvo zvingaite kuti vanhu vashaye hanya nekutevedzera matanho akatarwa mukumisa kupararira kwedenda iri.

Zviri nyore kudzivirira Covid-19 pane kuti vanhu vaite chijairira vazochechuka vopera nechakambedza mbudzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey