MAONERO EDU: Kungorova vana bodo!

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Kungorova vana bodo!

Kwayedza

SVONDO rapera takaburitsa imwe nyaya inosuwisa zvikuru, nyaya yemudzimai wekwaMarange, kudunhu reManicaland, uyo akarova mwana wake aiva nemakore 13 okuberekwa kusvikira afa nekuda kwekuti akange arasa chinyoreso chekuchikoro.

Mudzimai uyu akatomiswa mudare guru reHigh Court ndokutongerwa chirango chekugara mujeri kwemakore masere.

Mwana uyu akarohwa netambo dzemagetsi ndokuzoroverwa musoro wake kumadziro emba.

Chiitiko chakadai chinonetsa kunzwisisika, kuti chokwadi mwana angafire chinyoreso here icho chinotengwa nemari inogona kuita $0,60c?

Kuranga hwai kwemhando iyi, uko kunosanganisira kurovera mwana musoro kumadziro emba nekuda kwekuti arasa chinyoreso?

Tinovimba pari zvino mudzimai uyu ava kudemba nekuda kwezvaakaita izvi nekuti ave kudya refovhoro kujeri.

Vamwe vana vake vasara vasina muchengeti sezvo amai vave kupikira mhosva yekuuraya mumwe mwana wavo nekuda kwenyaya diki-diki iyo yaigona kugadziriswa pasina njodzi.

Nyaya iyi inofanira kuve chidzidzo kuvabereki vose nekuti zvinorwadza kuti mwana arasikirwe neupenyu nenzira yakadai.

Mwana anotarisira rudo nekuchengetedzwa nevabereki vake, zvikuru amai.

Sekutaura kwakaita mutongi Justice Hlekani Mwayera vedare reHigh Court apo vakapa mudzimai uyu mutongo wake vanoti, “Amai ava vakaita hunhu hwakashata zvichitevera kuti mwana anenge achitarisira kuchengetwa nemubereki asi ivo vakasvika pachidanho chekumurova netambo dzemagetsi ndokuzopwanyira musoro wake kumadziro.”

Zvinorwadza kuti mwana uyu aishungurudzwa kuchikoro sezvo akadzoswa nekuda kwekuti ainge asina chinyoreso zvose nekumba uko akazorohwa kusvikira afa.

Nguva pfupi yadarika, dare guru reConstitutional Court rakapa mutongo wekuti mwana haatenderwi kurohwa – kungava kuchikoro nematicha kana kumba nevabereki vake.

Zvichitevera mutongo uyu, kwakave nekugeda-geda kwemeno apo vamwe vanhu vaiti mutemo uyu uchaita kuti vana vaite misikanzwa nekuti vanenge vachiziva kuti havatenderwe kurohwa.

Asi, kana tikatarisa nyaya yemudzimai wekurova mwana wake kusvikira afa nekuda kwekuti akange arasa chinyoreso, tinoona kuti mutemo uyu wakanaka zvikuru.

Kune vamwe vanhu vasingazive pekugumira kana vachiranga mwana zvekuti vanosvika pakuponda.

Pasina mutemo wakadai, vana vanonzwa nekuzvamburwa kungave kudzimba nevabereki vavo kana kuzvikoro nematicha.

Kune vamwe varairidzi zvakare vanorova vana zvekusvika pakuvatyora mawoko.

Kwakadai uku kunganzi kunenge kuchiri kuranga here?

Pane nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa mukuranga mwana kwete kungofunga zvekumurikita chete.

Iko katsika kekungorova-rova vana ndiko kamwe kanoita kuti nyaya dzemhirizhonga, kusanganisira yemudzimba, dzinetse kurwisa.

Tinodaro nekuti kana mwana akakura achirohwa anogona kuzove nekatsika kekuita mhirizhonga zvakare nevamwe vake kana kuti apo anenge ave muwanano.

Vana vanoda kupihwa rudo, kwete kuti vaone vabereki nevamwe vanenge vachivachengeta sezvikara nekuda kwekutya kurohwa.

Share This:

Sponsored Links