MAONERO EDU: Mabasa emawoko ndiro gwara kwaro

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VAKURU vane chirevo chekuti kana munhu akakumbira hove usamupe hove asi kuti mupe chirauro kuitira kuti akwanise kuzviraurira oga.

Izvi zvinoitirwa kuti kana munhu akangojairira zvekupihwa anopedzisira ogarira mawoko pamwe nepfungwa uye panozove nedambudziko mangwana kana pakazoshaya anomupa.

Chirevo ichi chinogona kufananidzwa nedzidzo iyo yekuti kana munhu akaiwana anove nepundutso muupenyu hwake mune remangwana.

Ndosaka vamwe zvakare vachiti dzidzo inhaka yeupenyu.

Nekudaro tinowirirana zvikuru nemashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, President Mugabe svondo rapera apo vakati zvakakosha kuti vechidiki vadzidze kuitira kuti vave nepundutso muupenyu hwavo mune remangwana.

Vachitaura muHarare pagungano rezviuru nezviuru zvevatsigiri vebato reZanu-PF zvaive zvaungana kutsigira hutungamiriri hwavo, President Mugabe vanoti zvakakosha kuti vechidiki vadzidze vagokwanise kuzvishandira.

Gungano iri, rinodaidzwa kuti Million Man March, rakarongwa nechikamu chevechidiki mubato riri kutonga reZanu-PF.

Sekutaura kwaPresident Mugabe, chishuwo cheHurumende ndechekuti vachidiki vadzidze, vazvishandire kuburikidza nekuve nemakambani avo.

Vanoti ichokwadi kuti hazvingakwanisike kuti munhu wose adzidze kusvikira kuyunivhesiti asi zvinogona kuti mwana wose adzidzewo kusvika padanho reO-Level.

Donzvo nderekuti kana mwana akadzidza kusvika paO-Level anovhurika pfungwa izvo zvinoita kuti afunge kuita mabhindauko anomupa raramo kana achinge ashaya basa.

Kune makoreji nemayunivhesiti akawanda ari kudzidzisa mabasa emawoko akaita sekuvaka, kuveza pamwe nekusona izvo vechidiki vanokwanisa kufunda vachivandudza ruzivo rwavo.

Kare kune vamwe vaienda kuchikoro nechinangwa chekuti vazoita makosi akasiyana, votsvaga basa zvinova zvisina kuipa.

Asi nhasi uno kurudziro iri pakuti mwana anofanira kuwana dzidzo inomupa pundutso muupenyu kuburikidza nekuzvishandira.

Izvi zvakosha nekuti kana vechidiki vakashaya mabasa vanokwanisa kuumba zvikwata votanga kuzvishandira vachipinzawo vamwe mabasa.

Pane mienzaniso yakawanda yevechidiki nhasi uno avo vane mabhizimusi ari kubudirira zvikuru zvisinei kuti vakatanga vachiita paduku nepaduku.

Zimbabwe ndiyo nyika iri pamusoro pedzimwe dzose muAfrica panyaya yekuva nevanhu vanogona kuverenga pamwe nekunyora.

Tine idi kuti kudai dzidzo yemabasa emawoko yakatanga kurovedzerwa kare muvadzidzi, nhasi uno nyika ino ingdai iri pachinhanho chepamusoro munyaya dzebudiriro.

Munhu mumwe nemumwe ane chipo chaakapihwa naMwari saka zvipo izvi ngazvivandudzwe zvishandiswe kusimudzira nyika.

Tinovimba kuti vechidiki vachakoshesa kurudziro yaPresident Mugabe iyi yekuti vashande nesimba muzvidzidzo zvavo kuitira kuti vawane raramo kuburikidza nekuzvishandira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey