MAONERO EDU: Makunakuna: Vanhu nyarai

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Makunakuna: Vanhu nyarai

Kwayedza

SVONDO rino tine imwe nyaya yemakunakuna inonzi yakaitika kuMhondoro iri pamusoro pemumwe mukadzi akazviuraya mushure mekunge abatikidzwa achishinha natezvara vake – baba vemurume wake.

Zviri kunzi mudzimai uyu akabatikidzwa arere natezvara vake zvikazomuita kuti anwe muchetura achibva angoenda kwamupfiganebwe.

Iyi inyaya inosuwisa zvikuru nekuti upenyu hwemunhu hwakatorasika nekuda kwemakunakuna anonzi akaitwa aya.

Nyaya dzerudzi urwu mazuva ano dziri kuwanda.

Svondo rapera pamberi, Kwayedza yakaburitsa zvakare nyaya yaive pamusoro pemurume wekwaNyashanu, kuBuhera, uyo anonzi akadzika baba vake demo mushure mekunge anzwa kuti vari kudanana nemudzimai wake – muroora.

Nyaya mbiri idzi dzinoti yekuBuhera neyekuMhondoro dziri kutsinhirwa nemapurisa zvisinei kuti varume vari kupomerwa kuita makunakuna nevaroora vavo ava vose vari kuzviramba.

Regai vakuru vazoti mbavha imbati.

Mazuva ano hazvichashamisi kunzwa kuti mukuwasha ari kupisa rudo naambuya kunove kurasa hunhu chaiko.

Kudunhu reGokwe, kuMidlands Province, kune nyaya yakabuda nguva yadarika yemukuwasha aipomerwa kuti anodanana naambuya vake.

Zvinonzi ambuya ava nemwanasikana wavo vaitoitirana shanje dzekurwira murume uyu – mukuwasha kuna amai ava.

Kune dzimwe hanzvadzikomana dziri kudanana nehanzvadzisikana zvakare zvekusvika pakutopanana pamuviri nekuita vana.

Hunhu hwakadai hunosemesa uye hazvitarisirwe patsika nemagariro evanhu vatema. Panofanirwa kuita musiyano pakati pemararamiro evanhu nemhuka.

Vanhu vakaita semuroora natezvara vanyarikani vasingafanirwe kana kutoseka vose nekudaro zvinoshamisa kunzwa kuti vari kudanana.

Izvi zvimwe chete kuna ambuya nemukuwasha, vanyarikani zvakare zvekuti kuona vodanana hunzenza chete.

Zvinoshamisa kunzwa kuti hanzvadzikomana nehanzvadzisikana vari kudanana nemawandiro akaita vanhu vari kutsvaga vadiwa kunze uko.

Hazvinei nekuti kune vamwe vari kuita makunakuna, maitiro akadai kumhura tsika nemagariro evanhu vatema.

Madzimambo anofanira kuranga zvakaomarara avo vanenge vabatwa nemhosva dzekuita makunakuna.

Izvi zvinoita kuti vamwe vagotya uye inzira yekudzoreredza tsika dzechivanhu.

Kune mamwe matunhu, vanenge vabatwa nemhosva yekuita makunakuna vanogona kubva vatodzingwa kuti vasagaremo.

Mutongo wakadai unogona kuita seune hukasha asi zvinenge zvichiitirwa kuti vamwe vazive kuti kuita makunakuna zvakafanana nekutamba nemoto unopisa.

Tsika nehunhu hwevatema zvinofanira kuramba zvichichengetedzwa nekuti inhaka.

Kunyangwe Bhaibheri shoko raMwari rinomhura vanhu vanoita chipini.

Vechikuru ngavape mucherechedzo unoyemurika kune vechidiki kwete zvekuti tezvara vanorwerwa rute kumuroora, uyuwo mukuwasha achidokwairira kupinda murudo naambuya.

Makunakuna ose agara anokonzera kusagadzikana mumagariro evanhu pamwe nekuparara kwewanano kana rufu chairwo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey