Maonero edu: Munhukadzi ndiye musha

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE nemusi weSvondo wadarika yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekukosha kwevanhukadzi, reInternational Women’s Day. Zuva iri rinocherechedzwa gore negore nemusi wa8 Kurume.

Rakatanga kucherechedzwa muna1975 uye pakasvika gore ra2014, zuva iri range rave kupembererwa nenyika dzinodarika 100 pasi rose.

Nhasi uno zuva iri rinotorwa sezororo rekuti vanhu vanozorora vasingaende kumabasa munyika dzinodarika 25.

Zuva iri rakakosha zvikuru sezvo rakavapo nechinangwa chekucherechedza mabasa makuru anoitwa nevanhukadzi mubudiriro yenyika. Vanhukadzi vane basa guru munyaya dzekusimukira kweupfumi hwenyika, mumagariro evanhu pamwe nemune zvematongerwo enyika.

MuZimbabwe, vanhukadzi vakawanda kudarika vanhurume uye ndivo vari kuita mabasa makukutu ayo anounza budiriro.

Nyika ino hwaro hwayo hwebudiriro huri munyaya dzezvekurima uye vanhukadzi nevana ndivo vanonyanya kushanda muminda pakurima sechibage, fodya nedzimwe mbesa.

Hurumende yakadzika mitemo ine chitsama nedonzvo rekuchengetedza kodzero dzevanhukadzi uye kuti vave nemikana yakaenzana neye vanhurume.

Mitemo iyi inosanganisira weDomestic Violence Act uyo une chinangwa chekurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba.

Nhasi uno zvakare vanhukadzi vari kuwanikwa vachikwikwidzana nevanhurume mumabasa akasiyana sekutyaira ndege ayo kare ainzi anoitwa nevarume chete.

Kune vanhukadzi akawanda ane makambani avo makuru, vanamuzvinhabhizimisi vakasiyana uye vane zvigaro zvepamusoro mumabasa.

Zvakakosha kuti kodzero dzevanhukadzi dzigare dzichicherechedzwa nguva dzose kwete kungomirira zuva reInternational Women’s Day chete.Zvisinei, kune mamwe matambudziko achiri kusangana nevanhukadzi ayo anofanirwa kugadziriswa kuitira kuti upenyu hwavo huendeke.Matambudziko aya anosanganisira kushomeka kwezvava noshandisa panyaya yeutano hwesikarudzi.

Vamwe vanhukadzi vachiri kusanganawo nematambudziko akaita sekubatwa chibharo, kumbunyikidzwa kune chekuita nebonde, kurohwa kana kupondwa chaiko nekuda kwemhirizhonga dzemudzimba.

Nerimwewo divi, kune vamwe kare vairipiswa ngozi inove tsika yakarambwa neHurumende uye imhosva kuti mubereki aroodze mwana wake kana kumuripisa ngozi.

Ibasa remunhu wose kumhan’arira vose vanoshungurudza vanhukadzi kuti varangwe nemutemo.

Kune vamwe vanhukadzi vanoshungurudzwa mumabasa zvakare nenzira dzakasiyana.

Chisungo cheInternational ILO Convention 190 of 2019 chombo chikuru chekurwisa nyaya dzekushungurudzwa kune chekuita nezvepabonde mumabasa kana chikashandiswa nemazvo.

Chisungo ichi chinopa nzira dzekudzivirira, kuchengetedza uye zvingaitwe panyaya yekumbunyikidzwa kunosangana nevamwe vanhukadzi mumabasa.

Vanhukadzi vakakosha mukurarama kwevanhu nekudaro vanofanirwa kupihwa ruremekedzo rwakakodzera.

Kunyangwe pachivanhu pane chirevo chinoti “musha mukadzi” kuratidza kukosha kwavakaita.

Share This:

Sponsored Links