Maonero Edu: Munhukadzi ndiye upenyu

15 Oct, 2020 - 10:10 0 Views
Maonero Edu: Munhukadzi  ndiye upenyu

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inokahadzisa uye ichorovesa hana zvikuru — nyaya yemudzimai wechidiki wekuMabvuku, muguta reHarare, uyo anonzi akabarira mwana wake mumugodhi wakadzika mamita 11 uyo uzere mvura yaimusvika muhuro.

Nyaya iyi inoita sebhaisikopo kana kuti mafirimu aya anozivikanwa nekunzi “horror films” asi iri yechokwadi.

Zvinonzi mudzimai uyu akarwadziwa nemimba mambakwedza, ndokubuda mumba achienda panze apo akazonozviwisira mumugodhi unove wemuvakidzani.

Anoti haazi kunyatsoziva zvakaitika kwaari kuti apedzisire ave mumugodhi uyu.

Chaanoyeuka bedzi hushingi hwaakaita pakusununguka nekuona kuti “chipo” chake chararama mumvura yemumugodhi uyu.

Mudzimai uyu anoti akatora maawa maviri ari mumugodhi uyu apo akazosununguka mwana wake ari oga.

Mushure mekubara mwana, mudzimai uyu anoti akamusimudza kuti asany’ure kana kunwa mvura panguva iyo guvhu rake neremwana zvainge zvichakabatana.

Akazonunurwa neveruzhinji mushure mekunge ashevedzera achida kuburitswa kubva mumugodhi uyu apo akazonunurwa pamwe chete nemwana wake. Nyaya iyi inoratidza hushingi hune vanhukadzi nekuti hazvisi nyore kupindana netsekwende seyakasangana nemudzimai uyu.

Kuita maawa maviri munhu ari mumugodhi une mvura harizi dambe, apa akasimudza kasvava kuti kasanwe mvura!

Panyaya yemudzimai uyu pane mafundiro awanda anouya sekuti akakwanisa kuzvisunungutsa ari oga sei apo aive mumugodhi uyu?

Panogona kuve nemibvunzo yakawanda zvakare pamusoro pekuti sei akapinda mumugodhi uyu asi chokwadi ndechekuti akaratidza hushingi kusvikira abara mwana wake. Nyanzvi dzezveutano dzinoti kana mudzimai akarwadziwa nemimba zvakanyanya, anokwanisa kuita zvinhu zvose-zvose zvisingafungirwe uye zvinoshamisa zvikuru sezvakaitwa nemudzimai uyu. Nyaya iyi inoratidza kukosha kwevanhukadzi muupenyu. Iko kutakura mimba chaiko kwemwedzi mipfumbamwe hakuzi nyore nekuti zvinoda munhu akazvipira.

Munyaya inoda kudyidzana neiyi, kunyika yeMozambique gore rapera kune mudzimai akabarira mwana wake akakwira mumuti wemumango umo ainge akwira nemhuri yake zvichitevera mvura yainaya iine dutu mupengo yeCyclone Idai ikakonzera mafashamu.

Mudzimai uyu anonzi aive nemwanakomana wake vari mumuti umu apo akatanga kurwadziwa nemimba kusvikira azvisunungutsa ari oga apo ainge akabatirira pamapazi emuti.

Akazonunurwa mumuti uyu nevavakidzani kwapera mazuva maviri.

Chiitiko ichi chinotevera zvakare chimwe cherudzi urwu chakaitika kunyika iyi makore 20 adarika apo mudzimai weko akasunungukira mumuti maaive ahwanda mafashamu emvura akazonunurwa nechikopo-kopo.

Hazvisi nyore kuti munhukadzi azvisunungutse oga ari mumuti kana mumugodhi achinyatsoziva kuti akaita zvekutamba iye nemwana vanogona kufa.

Ndosaka vakuru vachiti ngozi yaamai inopedza dzinza nekuti vanosangana nematambudziko makukutu kubvira pakubara kusvika pakuyarutsa mhuri.

Share This:

Sponsored Links