MAONERO EDU: Murume mukuru kushaya nyadzi!

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
MAONERO EDU: Murume mukuru kushaya nyadzi!

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inoshamisa nekushatirisa panguva imwe chete. Iyi inyaya yen’anga yakabvisa hembe dzose zuva rakacheka nyika pamberi pechaunga chevanhu apo yaichenura rimwe purazi riri kwaMambo Svosve, kuMarondera. Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi n’anga iyi yakashevedzwa nevakuru vepapurazi iri zvichitevera matambudziko ari kusangana nevashandi vepo ane chekuita nenyaya dzekuroyana.

N’anga iyi inonzi yakabvisa hembe dzose zvekusara iri musvo seumboo hwekuratidza vanhu vaivepo kuti hapana chayakaviga mumbatya dzayakange yakapfeka. Izvi zvinotevera mashoko anogarotaurwa nevamwe vanhu ekuti vanatsikamutanda makuruku uye vanonyepera kubvisa zvinhu mumisha yevanhu yavanenge vachichenura asi vari ivo vanenge vatanga vakanda zvinhu izvi muchivande. Vamwe vanatsikamutanda vanonzi zvakare vanogona kutuma vanhu husiku vonocherera muvhu zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira nyanga nematende anenge akamonerwa nechuma mumisha yevanhu yavanenge vachida kuzochenura apo vanoita kunge vane masimba ekubata zvinhu izvi asi ivo vari maguruvhani.

Zvisinei nechikonzero chakaita kuti na’nga iyi ibvise hembe dzose pajekerere, chokwadi chiri pachena ndechekuti hapana kufumuka kunodarika zvakaitwa nemurume uyu. Pachaunga ichi paive nevana nemadzimai uye vanyarikani nekudaro maitiro en’anga iyi haana kumbosiyana nemunhu akarasika njere. Vamwe vakarasika njere vakatove nani nekuti vanoziva kuti zvinonyadzisa murume mukuru kubvisa hembe pane vanhu. Pasi pemutemo wenyika ino, imhosva kuti munhu abvise hembe zvekusara ari musvo pajekerere. N’anga iyi inonzi payakatanga basa rekuchenura papurazi apa, yakange yakapfeka kabhurukwa kemukati chete zvinova zvisina hunhu zvakare. Semaonero edu, veruzhinji havafanire kurega zvakadai zvichitika kumatunhu avo. Hongu, kune vamwe vanotya vanoti vakangonzwa kuti munhu uyu in’anga kana kuti nditsikamutanda, asi hazvireve kuti nhubu dzakaita sen’anga iyi dzinofanira kuregwa dzichiita madiro aJojina.

Zvakaitwa nen’anga iyi zvinopesana zvachose netsika nemagariro evanhu vatema. Nekuti n’anga nemaporofita vanofanirwa kunge vachikurudzira tsika nemagariro akanaka — pachivanhu chevatema. Kwete kufumuka zvakadai, hazviitwe! Tinogamuchira nemawoko maviri mashoko akataurwa nemutauriri wemapurisa kuMashonaland East Province, Inspector Nobert Muzondo, ekuti varidzi vepurazi iri vanofanira kumhan’arira n’anga iyi isungwe kuitira kuti igomiswa mudare redzimhosva ichitarisana nemhosva yekubvisa hembe dzose pazere vanhu. Izvi zvakakosha nekuti zvinopa vamwe chidzidzo uye kana pasina anenge amhan’ara kumapurisa, hapana matanho anokwanisa kutorwa. Veruzhinji havafanirewo kurara nezamu mukanwa vachirega vanatsikamutanda vachiita zvavanoda kusvika pakubvisa hembe dzose ivo vakatarisa. Nguva yadarika, pane mumwe muporofita zvakare wekuMhondoro anonzi aikurunga muteuro nenhengo yake yakavandika uye vanhu vakatarisa, ozovapa mvura yacho kuti vamwe.

Zviitiko zvakadai zvinoshatirisa nekuti munhu chaiye ane dzakati kwesere haanganwe mvura yemuteuro yakurungwa nenhengo yakavandika.

Masangano anomirira n’anga nemaporofita anofanirawo kutora matanho akasimba ekuranga nhubu dzinotsaudzira sezvakaitwa nen’anga yekubvisa hembe ikasara iri musvo iyi.

Share This:

Sponsored Links