Maonero edu: Musaparadze nhaka yeZim

17 Dec, 2020 - 11:12 0 Views
Maonero edu: Musaparadze nhaka yeZim

Kwayedza

ZIMBABWE yakakomberwa zvikuru panyaya yezviwanikwa zvinoyevedza izvo zvinova nhaka yemusiidzanwa uye zvinobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika kuburikidza nevashanyi vanobva kunze vachizozviona.

Zviwanikwa zvine mukurumbira munyika muno nekunze zvinosanganisira mapopoma eVictoria Falls, Great Zimbabwe nemakomo ekuNyanga.

Tsika dzedu chimwe chezvinhu zvinoyevedza zvikuru. 

Kunze kwaizvozvo, kune nzvimbo dzakawanda dzinochengetwa mhuka dzesangano dzakadai seHwange neGonarezhou national parks.

Pamusoro pezvo, kune zvisikwa zvinogara mumvura zvinosanganisira hove, makarwe, mvuu naiyo mvura yacho.

Chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chinobatsira zvakanyanya panyaya yekusimudzirwa kweupfumi hweZimbabwe.

Nguva pfupi yadarika, mutungamiriri wenyika President Mnagangwa vakaparura chirongwa chekuvandudzwa kwechikamu chezvekushanyirwa kwenyika nedonzvo rekuti chikwezve vashanyi vekunze pamwe chete nevemuno. Uyu mucherechedzo wekukosha kwakaita nyaya dzekushanyirwa nezviwanikwa zveZimbabwe.

Vashanyi ava vanenge vachinoona zviwanikwa zvemunyika muno nekudaro zvakakosha kuti zvichengetedzwe.

Asi kune vamwe vasina hanya nekuchengetedza zviwanikwa izvi avo vanoonekwa vachizviparadza nguva nenguva.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yehove yerudzi rwehunga inozivikanwa muchirungu nekunzi Eel iyo yakabatwa nevamwe varume murwizi rwaMubvinzi, kuShamva nechinangwa chekuitengesa kuti idyiwe nyama.

Varume aya vakaonekwa neKwayedza vachitengesa hove iyi, iyo yaive yakareba zvekudarika mita imwe chete, panzvimbo yeKariba mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuShamva.

Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka nezvimwe zvisikwa, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), rinoti mhando dzehove dzose dzinochengetedzwa pasi pemutemo naizvozvo hadzitenderwe kuvhimwa.

Izvi zvinoreva kuti hapana munhu anotenderwa kubata hove nenzira dzipi zvadzo – angave nemambure kana kuraura – pasina kupihwa mvumo nebazi iri. Asi kune dzimwe nhubu dzisina hanya nekutevedzera mutemo uyu uye dzinenge dzichitopara mhosva.

Hove dzerudzi rwehunga dzinonzi ishoma zvikuru munyika muno nekudaro dzinoda kuchengetedzwa.

Zviwanikwa zvakadai ndizvo zvimwe zvinokwezva vashanyi kubva kunze zvichireva kuti kana zvikaparadzwa zvinokanganisawo chikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

Kunyangwe imo munyika muno, zvakakosha kuti vanhu vave neruzivo rwezviwanikwa zvavo nekuti zvizvarwa zvemangwana zvinogona kutozoita zvekuona mifananidzo yekune dzimwe nyika hove dzinosanganisra hunga kana muno dzapedzwa kuurayiwa.

Hongu, kune vamwe vanogona kutaura mashoko akasiyana anosanganisira kuti hove yemhando iyi inonaka chaizvo uye kuti inobatsira kusimbisa misana nezvimwe zvakadaro.

Asi izvi handizvo zvingaita kuti vanhu vaparadze zviwanikwa zvenyika.

Kunyangwe zvipembere zvakatarisanawo nenjodzi yekuuraiwa vanhu vachida kutora nyanga dzacho idzo dzinonzi dzinoshandiswa nepakawanda.

Nzou zvakare dziri kuurayiwawo nenhubu dzinoda nyanga dzacho.

Kwete, zvakakosha kuchengetedza zviwanikwa zvose nekuti inhaka yenyika yanhasi namangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey