Maonero Edu: Musapfachure zvamakohwa

25 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Maonero Edu: Musapfachure zvamakohwa

Kwayedza

MWAKA wekurima wa2020-2021 waratidza kuti wanga wakanaka zvikuru.

Kunaya kwemvura zvakanaka, pamwe chete nekurongeka kwezvirongwa zveHurumende zvekurima zvinosanganisira chePfumvudza, zvaita kuti pasave nechichatadzisa nyika yeZimbabwe kuva nemaguta.

Kungotenderera nenyika, hakuna kusina mumera uri kuyevedza. 

Wese akarima gore rino ihurudza.

Gadziriro dzemwaka wekurima dzakaitwa nenguva apo Hurumende yakawanisa varimi zvekushandisa nguva ichiripo. 

Mbeu, mafetireza nemimwe mishonga zvakasvika kuvarimi mvura isati yaturuka.

Ndiko kugona kurongera mwaka.

Hapano pakunaya kwayo, mvura “yakaburika” zvinogutsa zvekuti wese akarima nenguva ari kutarisira goho rinofadza. 

Kana avo vakanonoka kudyara, havasi kuzoshaya munyorondega gore rino nekuti ichiri kunaya.

Ndokusaka vamwe varimi vachiri kudyara mbesa dzinosanganisira bhinzi nembambaira. Zvinosvika.

Izvi zvaitika apo nyika ino yange yaita makore akatevedzana varimi vasingakohwe zvakanaka zvichiita kuti ruzhinji rwushomekerwe nechikafu chinonyanyodyiwa muno – hupfu hwechibage.

Kushomeka kwehupfu kwange kwotuma vezvitoro kuita madiro vachingokwidza mitengo pavadira.

Zvino gore rino tichaonerera kuti zvichafamba sei nekuti nyika yose maguta. Vanhu vanodya remugaiwa rinobata dumbu.

Ndokusaka svondo rapera gurukota revashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Professor Paul Mavima vakazivisa kuti mwedzi uri kutevera, Hurumende ichambotarisazve chirongwa chekubatsira vanoshaya nechibage. 

Danho iri riri kubva pakuti varimi vakawanda – kusanganisira vekumaruva – vari kutarisirwa kukohwa chikafu chakawanda zvekuti vamwe vava kukwanisa kurarama nezvichabva muminda yavo.

Ndokusaka zvichinzi anokupa chirauro chekuredza akakosha kudarika anokupa hove. Hurumende yakapa varimi zvekushandisa, heyo Pfumvudza yaunza maguta nyika yose.

Asika, kuti maguta aveko, zvinoda kuti varimi vachengetedze zvavachakohwa kwete kuzvipfachura sezvinonzi hakuna mangwana.

Zvakakosha kuti matura ose — kubva ekumamisha, emumaguta kusvika kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB) — agare akazara nechikafu chemhuri nechenyika.

Kutengesa ngakuitwe hako asi kwete zvekupedza vanhu voguma vave munzara.

Ino inguva yekuti murimi wese aite gadziriro yakanaka yekuchengetedza goho rake kuitira kuti zvichabuda muminda sechibage, mhunga, mapfunde nezviyo zvisaparadzwe nehudyi hwakaita sezvipfukuto, mhuka kana shiri.

Nekuti izvi zvikasaitwa ndipo paya panozonzi inzara takarima.

Zimbabwe haifanirwe kudzokera munguva yenzara zvakare nekuti gore rino anongova maguta kuvanhu vakawanda.

Tinotoda kuona nyika yeZimbabwe ichidzokera pachinzvimbo chayo chekuva ndiyo hurudza yedunhu reSADC neAfrica yose. 

Goe rino nzara tinoita yekuzvambura kunge vanhu vari kupura mhunga kana zviyo pajakwara.

Kana iri nzara, takatoidzinga.

Share This:

Sponsored Links