MAONERO EDU: Ndicho chitadzo pasi nekudenga

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
MAONERO EDU: Ndicho chitadzo pasi nekudenga

Kwayedza

Svondo rino tine nyaya inorwadza zvikuru pamwe nekusuwisa, iri pamusoro peongororo yakaitwa nerimwe sangano rakazvimirira, iyo inoratidza kuti chikamu chevarume chinosvika makumi manomwe muzana (70 percent) vana vainzi ndevavo havazi vavo.

Sangano reGlobal DNA Zimbabwe rinoti ongororo iyi yakaitwa muna2018.

Ongororo iyi yakaitwa nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti murume anenge achida kuziva kuti mwana ndewake here zvechokwadi sezvo vamwe vacho vanenge vachibhadhariswa mendenenzi yekuchengeta vana ava.

Vamwewo ndivo vanenge vachingoda kuziva mamiriro ezvinhu nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Sangano iri rinoti ongororo yarakaita zvakare muna2019 inoratidzazve kuti chikamu chevarume chinosvika 63 percent chiri kuchengeteswa vana vasiri vavo.

Aya mashoko anorovesa hana zvikuru, kunyanya kuvanhu vechirume sezvo achiunza mafungiro akawanda.

Dzimwe nguva ongororo yakadai inogona kuitwa mwana achiri mudiki kana kuti ayaruka apo anenge achifunga kuti baba vari kumuchengeta ndivo vake chaivo nepo handivo.

Kune vamwe vanogona kudzidzisa vana kusvika kuyunivhesiti chaiko uye nekuvatoresa makosi akasiyana asi zvozobuda nekufamba kwenguva kuti mwana wacho haazi wake.

Ipapo manje!

Panogona zvakare kunge pave nehukama hwakasimba pakati pababa nemwana nekudaro hazvisi nyore kuzvigamuchira mushure meongororo yeDNA kana murume akaudzwa kuti mwana haazi wake.

Nyaya dzerudzi urwu dzine makuva uye dzinokonzera bongozozo.

Tinotenda kuti sangano reGlobal DNA Zimbabwe rinoti rine chikamu chinobatsira kuyananisa vanhu pamwe nekuvadzikamisa hana mushure meongororo nekuti iyi haizi nyaya yekuita dambe nayo.

Munguva pfupi yadarika, pane nyaya yakabuda yemurume anoshandira kuCanada uyo aida kutora mudzimai wake nevana kuti aende navo kunyika iyi.

Murume uyu anonzi akaudzwa nemahofisi anomirira Canada kuti kana achida kutora vana nemukadzi wake, panofanirwa kutanga paitwa ongororo yeDNA kuti zvigoonekwa kana vana ava vari vake zvechokwadi.

Ongororo yakaitwa yakazoratidza kuti vana vose vari vatatu vakange vasiri vake.

Pakadai apa panoda kuti munhu azvibate uye Mwari vapindire nekuti handi nyore kugamuchira mamiriro ezvinhu akadai.

Kune vamwe vanogona kusvika pakutora upenyu hwavo kana zvinhu zvikaita manyama amire nerongo sezvizvi.

Hongu, kubvira kare vakuru vanoti gombarume harina mwana asi nekuda kweruzivo rwavako mazuva ano, rwekuongororwa kuburikidza neDNA, vanhu vazhinji vave nemafungiro matsva.

Nyaya dzerudzi urwu dzinoratidza kuti zvakakosha kuti kana vanhu vari muwanano vave vakavimbika vose murume nemudzimai.

Zvinokanganisa upenyu hwemwana kana akazoziva kuti baba vaaiti ndevake havazi vake.

Kana vanhu vachinge vashaya mbereko, zviri nani kugara vasina pane kuti mumwe anobiridzira kunze.

Ichi chitadzo pasi nekudenga!

Share This:

Sponsored Links