MAONERO EDU: Ngatikoshesei tsika, magariro

24 May, 2019 - 00:05 0 Views
MAONERO EDU: Ngatikoshesei tsika, magariro President Mnangagwa vachiridza mbira mushure mekuparura chirongwa cheCulture Week kuGlamis Arena, muHarare svondo rapera apo Cde Kazembe Kazembe — avo vakafanobata chigaro chegurukota revechidiki, mitambo nezvekutandara — vainge vakatarisa. — Mufananidzo naTawanda Mudimu

Kwayedza

KUVAMBA nemusi weChishanu svondo rapera, Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza svondo rekukosha kwetsika nemagariro emarudzi akasiyana – rinodaidzwa kuti Culture Week.

Chirongwa ichi chinocherechedzwa kwesvondo rose kubva musi wa17 Chivabvu kusvika 25 Chivabvu.

Chakavepo zvichitevera chisungo chakaitwa nesangano reUnited Nations Educational Scientific and Cultural Organisation (Unesco) nechinangwa chekuti nyika dzepasi rose dzikoshese kuchengetedzwa kwetsika nemagariro emarudzi akasiyana.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa ndivo vakaparura chirongwa cheCulture Week svondo rapera apo vakakurudzira kubatana nekugara murunyararo muZimbabwe.

Izvi zvinoratidza kukosha kwakaita kuchengetedzwa kwetsika nemagariro mukurarama kwevanhu.

Mazuva ano kune vamwe vave kutarisira tsika dzechivanhu pasi, vachiti dzakasaririra uye pasi rapinduka.

Asi, uku kurasika chaiko nekuti tsika nemagariro inhaka yemusiiranwa kubva pasichagare kana kuti hugo hwemadzinza.

Kuti munhu anzi ane hunhu, ndokunge aine tsika dzinoyemurika.

Tsika ndidzo dzinopatsanura marudzi akasiyana nekuda kwezvavanotevedzera.

Nhasi uno kune vamwe vanhu vatema vari kurasa tsika dzavo vachitevedza dzechirungu asi vasingazive kuti hakuna kwazvinovasvitsa.

Ichi ndicho chimwe chezvikonzero vamwe vanhu vave kushaya hunhu nenyadzi. Hazvichashamisa mazuva ano kunzwa kuti ambuya vari kudanana nemukuwasha wavo, kana kuti tezvera vakamitisa muroora. Zvose izvi zviri kukonzerwa nekusakoshesa tsika nemagariro edu sevanhu vemuZimbabwe.

Patsika nemagariro echivanhu, kuita kwakadai hakugamuchirwe nekuti chipini. Kunyangwe rukudzo chairwo vechidiki vakawanda havachisina, havacharemekedza vakuru vavo.

Vamwe vana vari kurova kana kugara vachitukidzira pamwe nekupumha huroyi vabereki vavo chaivo. Zvimwe zvacho zviri kukonzerwawo nekuti vanhu vechikuru vacho havasi kupa mucherechedzo wakanaka kune vechidiki nekuda kwekushaya hunhuwo, izvo zvinoita kuti vapedzisire vasisina chiremera. Kunyangwe Bhaibheri chairo rinotaura kuti hunhu hwakanaka hunosimudzira rudzi, asi hunhu hwakashata hunonyadzisa kusvikira kumarudzi api neapi. Mitambo yakare yakadai senhodo, dunhu nemahumbwe yave kutarisirwa pasi makore ano.  Zvose nemidziyo yakaita seduri nemutswi, guyo nehuyo, mukombe nechirongo, tswanda kana rusero – kungodoma zvishoma pane zvakawanda.

Asi mitambo iyi – kubvira kare – yaive yakakosha nekuti yaibatsira mune zvakawanda sekurodza njere dzevana pamwe nekuti vayaruke vakabatana.

Kunyangwe ngano chaidzo dzaive nezvidzidzo zvikuru kubva mazviri.

Asi mazuva ano vashoma vachiri kuita ngano nekuda kwekupindana kwemazuva. Panyaya yezvekudya, kune kudya kwechivanhu kwakadai sesadza rezviyo kana remhunga iro rinonzi rakanakira utano hwevanhu. Asi vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve vachida chikafu chemazuva ano icho chiri kukonzera zvirwere zvakaita segomarara.

Zvimwe zvirwere zviri kutambudza vanhu makore ano zvinokwanisa kudzivirirwa zviri nyore kuburikidza nekukoshesa zvavanodya, zvikuru kana vakagara vachidya chikafu chechivanhu semuriwo wemufushwa une dovi.

Chisingazivikanwe nevamwe vanhu ndechekuti hazvibatsire kuda kubatira tsika dzemamwe marudzi akadai sevarungu padenga nekuti varungu vacho vari kutonetsekana nekuti vatevedze tsika dzavo.

Kune vamwe varungu zvakare vari kusvika kuroora vanhu vatema nekuda kwekuyemura tsika dzavo dzakanaka. Tsika nemagariro akanaka zvinofanira kuramba zvichicherechedzwa nekuti inhaka yemusiiranwa.

Share This:

Sponsored Links