MAONERO EDU: Ngatizorore, asi tisakanganwe!

17 Apr, 2019 - 13:04 0 Views

Kwayedza

YASVIKA nguva iya yegore inofarirwa nevanhu vakawanda – yezororo rekuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere (Independence Day) rakabatana nerePasika.

Mazuva ekuzorora aripo – mashanu akatevedzana.

Vazhinji vanotora mukana wezororo iri kushanyira hama neshamwari uye nekuita zvimwewo. Ndiwo mukana wachoka!

Asika, zvakakosha kuyeuka kuti sei mazuva aya – zvikuru rekuwana kuzvitonga kuzere kweZimbabwe – richicherechedzwa gore roga-roga.

Nyika ino yakange iri pasi pehutongi hwehudzvanyiriri hwevachena kana kuti hwemabhunu kusvikira 1980 apo vanhu vatema vakazowana rusununguko rwekuzvitonga kuzere.

Dzidziso yerusununguko rwenyika inofanirwa kuramba ichirovedzerwa, kunyanya kune vechidiki nekuti vakawanda vavo havana ruzivo rwekuti Zimbabwe inyika yakarwirwa uye ropa rikadeuka kuti izowana rusununguko rwayava narwo.

Vanhu vatema vaibatwa senhapwa munyika yavo nemabhunu, ivhu rakange ratorwa nevachena vachirima pakakorera asi vene venyika vachipihwa kwaive nematombo nerukangarabwe.

Mumaguta akadai semuHarare, kune nzvimbo dzinosanganisira mugwagwa waFirst Street uko kwairambidzwa vanhu vatema kusvika vasina tsamba yekuratidza kuti vanenge vapihwa mvumo nevachena.

Kunyangwe zvikoro chaizvo, kwaive nezvevana vevachena avo vakange vasingabvumidzwe kudzidza pamwe chete nevevanhu vatema.

Pamabasa, vachena vaitambira mari yakawanda kudarika vanhu vatema zvisinei nekuti vaiita basa rimwe chete kana kuti munhu mutema aive akadzidza kudarika muchena.

Zvaitoda hushingi hwezvizvarwa zveZimbabwe kutora gidi kurwisa hudzvanyiriri uhu nekuti kune vamwe vakadududza kudzokera kumashure apo hondo yakange yapisa.

Nhasi uno kune magamba akaradzikwa pamarinda eNational Heroes Acre muHarare, nevamwe vari kunyika dzinosanganisira Mozambique neZambia avo vakazvipira kurwira rusununguko rweZimbabwe.

Kune vamwe zvakare varere kunzvimbo dzakasiyana dzenyika ino, kusanganisira vamwe vasati vavigwa patsva zvine mutsigo, avo vakafa vachirwira kuti Zimbabwe iwane kuzvitonga kuzere.

Vose ava vanofanira kuramba vachirangarirwa nekuda kwebasa guru ravakaita.

Mukuedza kufambisa Zimbabwe mberi, ndokusaka mutungamiri wenyika President Mnangagwa vari kugarokurudzira zvizvarwa zvose zvenyika ino kubatana nekushanda pamwe chete.

Iyi ikurudziro yakanaka zvikuru zvekuti asingaitevedze inhamo yake. Mukubatana ndimo munobva budiriro – Zimbabwe yofambira mberi nerusununguko.

Zvichakadai, zororo rekuwana kweZimbabwe kuzvitonga rinobva rabatana nerePasika apo vanamati vanenge vachirangarira mazuva ekufa nekumuka kwaJesu Kirisitu.

Iyi inguva inokosheswa nevatendi vakawanda apo vanenge vachinamata vari kumakereke. Zvakakosha kuti kune avo vachafamba nzendo vave vanotora matanho ekudzivirira tsaona.

Makore ose, nguva yezororo rakadai inotika tsaona dzakawanda nekuda kwekuti vanhu vanenge vachifamba vakawandawo panguva imwe chete.

Sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi mumugwagwa, reTraffci Safety Council of Zimbabwe, rinogarokurudzira vatyiri nevamwe vafambi vose kuti vafambe kunze kuchakachena kwete nguva dzehusiku nekuda kwekuti njodzi dzakawanda dzinoitika husiku.

Tinokushuvirai zororo reIndependence nePasika rakanaka!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey