Maonero edu: Ngwarirai tsaona dzinouya Zhizha

13 Dec, 2020 - 09:12 0 Views
Maonero edu: Ngwarirai tsaona dzinouya Zhizha

Kwayedza

MVURA pari zvino iri kunaya zvikuru kunzvimbo dzakawanda dzenyika izvo zvinoreva kutanga kwemwaka weZhizha uye varimi vari mubishi kudyara mbesa nekuita mamwe mabasa anofambirana nekurima.

Kunaya kuri kuita mvura iyi yakawanda kuri kuonawo ichive njodzi kuupenyu hwevamwe vanhu apo vari kuyeredzwa nenzizi uye ichiparadzawo zvivakwa nemimwe midziyo.

Mvura iri kunaya iine dutu rakasimba kune dzimwe nzvimbo izvo zviri kuita kuti zvivakwa zvakadai sezvikoro, mazambuko kana dzimba dziparadzwe uyewo zvichikonzera matambudziko makukutu.

Kana madhibhi chaiwo ekudhibhisa mombe ari kuparadzwa kune dzimwe nzvimbo.

Kwozotiwo vamwe vanhu vari kurohwa nemheni vachifa kana kukuvara.

Kune dzimwe nzvimbo kwakatoitika mafashamu, vanhu nezvipfuyo zvavo zvikayeredzwa.

Gore negore bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi munyika, reCivil Protection Unit (CPU), rinogara richiyambira veruzhinji kuti vangwarire njodzi dzinogona kuvawira mumwaka weZhizha apo mvura inonaya yakawanda.

Veruzhinji, kusanganisira vatyairi vedzimotokari, vanogara vachipihwa yambiro yekuti vasayambuke nzizi dzinenge dzakazara nemvura.

Asi kune vamwe vasingateereri yambiro iyi zvinoita kuti vapedzisire vaisa upenyu hwavo panjodzi.

Semuenzaniso, svondo rino tine nyaya yemudzimai wekuBuhera anonzi akayeredzwa nemvura pamwechete nemwana wake waaive akabereka kumusana apo aizama kuyambuka.

Mutumbi wemudzimai uyu wakazowanikwa asi wemwana wake uchiri kutsvagwa.

Zvinosuwisa uye kurwadza zvikuru kuti vanhu vanorasikirwa neupenyu nenzira yakadai sezvo zvichikwanisa kudzivirirwa.

Hapana chinhu chinokunda kuchengetedza upenyu uye senyaya yemudzimai uyu, aikwanisa kunge akatsvaga mumwe musha wekupotera ogara kusvika mvura yaserera, ozoyambuka hake nemwana wake.

Zvakakosha kuti veruzhinji vateerere dzidziso uye yambiro yavanopihwa pamusoro pekuzvidzivirira kubva kunjodzi dzinogona kukonzerwa nekunaya kwemvura mumwaka weZhizha.

Asi chinoshamisa ndechekuti unogona kuona mutyairi wemotokari kana bhazi achizama kuyambuka rwizi rwakazara wotoshaya kuti chii chaizvo chaanenge achifunga?

Dzimwe nguva, vanhu vanenge vakatakurwa mumotokari kana mubhazi ndivo vanotokurudzira mutyairi kuti ayambuke rwizi rwunenge rwakazara nechinangwa chekuti vasvike chete kwavanenge vachienda.

Kwete, mandichimbidze akazvara mandinonoke, nekudaro upenyu hunofanirwa kuchengetedzwa.

Munguva ino zvakare, pane njodzi yekuti vanhu vanogona kurohwa nemupande wemheni saka zvakakoshawo kuti vasafambe kana kuchinaya uye vorega kumira pasi pemiti.

Bazi reMeteorological Services Department (MSD) rinogara richizivisa veruzhinji mamiriro anenge akaita kunze kunharaunda dzakasiyana zvinoita kuti vagadzirire kana paine njodzi dzinogona kuitika semafashamu.

Hongu, mvura inofanirwa kunaya nekuti ndiyo inopa upenyu asi inogona kutorawo upenyu hwacho kana vanhu vakasazvichengedza kubva kunjodzi dzinofambirana nekunaya kwayo.

Share This:

Sponsored Links