Uncategorized

MAONERO EDU: Ramangwana rirongere

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
MAONERO EDU: Ramangwana rirongere

Kwayedza

GORE ra2018 rasvika kumagumo uye zvakawanda zvakaitika mugore iri — zvinofadza nezvinosuwisa. Asi chikuru ndechekuti tinofanira kupa mbiri kuna Mwari kuti vatisesekedza kusvikira kumagumo kwegore rino. Kune vamwe vakarasikirwa nehama, vadikani neshamwari uye tinongoti vape zvose kuna iye Jehovha.

Mugore ra2018, vanhu vakawanda vane zvavaishuvira kuita uye zvimwe zvakabudirira asi zvimwe hazvina nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Semuenzaniso, kune vaishuvira kunyora nhoroondo dzavo nekuwana mukana — zvichida kekutanga — kuti vavhote musarudzo dzenyika murunyararo. Ivava ndivo vamwe vakava nemufaro nekuti zvishuwo zvavo zvakazadzikiswa. Zimbabwe yakaenda kusarudzo idzo dzakaitwa murunyararo, uye pasina kubiridzirana sezvo pasi rose rakapihwa mukana wekuoona zvaiitika.

President Mnangagwa nebato reZanu-PF ndivo vakakunda musarudzo idzi ndokupihwa makore mashanu ekutonga Zimbabwe. Tinodzokororazve kuti makorokoto! Kune vamwewo vaishuvira kuroorwa kana kuroora. Vamwe zvakaita asi vamwewo zvikakona n’anga murapwa achida. Kune vaive netarisiro yekuwana mabasa uye zvimwe zvezvishuwo izvi zvakazadziswa asi kuvamwe zvichigere.

Vamwe vaitarisira kupedza 2018 vava nedzimba dzavo, mapurazi kana minda, kutenga mota kana mimwe midziyo yakakosha.

Kune mumwe aitozviti, rino iri haripere ndisati ndati. Asi vamwe rakapera pasina chabuda. Avo vane zvishuwo zvavo zvisina kubudirira muna2018 havafanire kuwora mwoyo nekuti zvinogona kuzadzikiswa mugore ra2019 rotopinda. Chinodiwa chete kuramba munhu akatarira kunaMwari. Zvakakosha kurongera remangwana zvisinei kuti zvinenge zvarongwa zvinozobudirira here kana kuti kwete.

Zvinobatsirawo kunyora pasi hurongwa hwako hwose hwegore kuitira kuti munhu asazokanganwa. Kana munhu akasaronga zvaanoda kuita muupenyu hwake, haana kumbosiyana nebepa rinongopupurutswa nemhepo richingoenda “hameno”. Nguva yakakosha nekudaro inoda kurongerwa. Kazhinji kana munhu akatambisa mukana waanenge apihwa kuti avandudze upenyu hwake, mune remangwana anogona kuzovenga vamwe vanenge vave kushandisa mikana yavo.

Pakadai apa ndipo panobva pfungwa dzehuroyi asi munhu achikanganwa kuti akambopihwa mukana wake akatadza kuushandisa nemazvo.Gore ra2019 igore idzva uye rine zvinhu zvitsva zvirimo zvisina anoziva nekudaro rinoda kurongerwa nemazvo uye nenguva.

Nhasi uno kune vamwe vave nezvirwere zvakadai seBp izvo zvakakonzerwa nekuda kwekutadza kuronga kwavakaita upenyu hwavo.

Vakatadza kuronga zvinhu zvinovasimudzira gore negore kusvikira mikana yavakange vanayo yadarika.

Munguva pfupi iri kutevera, zvikoro zvinenge zvovhurwa nekudaro vana vanoda mari dzemafizi, mayunifomu nezvimwe zvakasiyana.

Mubereki akangwara anogara akaronga nyaya yefizi yevana vake nezvimwe zvinodiwa kuchikoro kwete kumirira kuvhurwa kwezvikoro apo anozomhanya mhanya nguva yapera.

Ramangwana rirongere nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey