Maonero Edu: Regai kuvarairwa, Covid-19 ichiriko

12 Mar, 2021 - 09:03 0 Views
Maonero Edu: Regai kuvarairwa, Covid-19 ichiriko

Kwayedza

HURUMENDE nemusi weMuvhuro yakanyevenutsa matanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 ayo ange aripo kwemwedzi miviri yadarika.

Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, vakazivisa nyika nezvekunyevenutswa kwematanho aya, rinova danho rakatambirwa nemaoko maviri neveruzhinji.

Vanhu parizvino vave kutenderwa kufamba vasina matsamba kusiyana nakare apo matanho aya akange asati anyevenutswa.

Izvi zvinotevera kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa vaine Covid-19 pamwechete nevari kufa munyika muno.

Asi kunyevenutswa kwematanho aya hazvirevi kuti veruzhinji vachiita madiro nekusazvidzivirira kubva kudenda iri.

Hondo yekurwisa Covid-19 ichiriko zvisinei nekudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa uye kufa nechirwere ichi.

Sekutaura kwaPresident Mnangagwa, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekutandarira hadzisati dzave kutenderwa kuvhurwa.

Parufu, vanhu havafanirwe kudarika 30 uye mamwe magungano vanotenderwa kunge varipo havafanirwe kudarika 50.

Vanhu vanokurudzirwa kupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji kana kuti vachibva padzimba dzavo.

Mamwe ematanho anosanganisira kupfeka mamasiki haana kunyevenutswa nekuti chirwere cheCovid-19 chichirimo munyika muno.

Zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho aripo mukuedza kurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Pakanyuka denda iri kepiri munaNdira wegore rino, nyanzvi dzezveutano dzinoti izvi zvakakonzerwa nekuti veruzhinji vakafamba-famba kumativi ose enyika panguva yezororo reKirisimasi nereGoredzva.

Ichi chinofanirwa kuva chidzidzo chikuru kumunhu wose kuti chirwere ichi chichiriko nekudaro mumwe nemumwe anofanirwa kuchengetedza utano hwake. Pari zvino hapana munhu asiri kuziva kuti Zimbabwe nepasi rose, Covid-19 yakonzera matambudziko makukutu.

Saka hazvidi kuti vanhu vaite zvekugombedzerwa nevabati vezvemitemo kuti vapfeke mamasiki kana kuita zvimwe zvinodiwa mukurwisa denda iri. Tinodaro nekuti kana veruzhinji vakarivara, chirwere ichi chinonyuka zvakare chopararira nekukonzera ndufu.

Hurumende yakanyevenutsa matanho ekurwisa Covid-19 nechinangwa chekusimudzira mabasa eupfumi hwenyika.

Zviri pachena kuti kusimukira kweupfumi hwenyika ino nehwepasi rose kwadzoserwa kumashure zvakanyanya zvichitevera kuuya kwechirwere ichi. Pamusoro pezvo, zvikoro, makoreji nemayunivhesiti pari zvino zvakavharwa nekuda kweCovid-19.

Kubvira pakanyuka denda iri munyika muno gore rapera munaKurume, nyaya dzedzidzo dzakadzoserwa kumashure zvakanyanya.

Zvakakosha kuti veruzhinji varambe vakaisa mupfungwa matambudziko ose ari kukonzerwa nechirwere ichi apo vanenge vachitevedzera matanho aripo ekuedza kuchidzivirira.

Tinodaro nekuti kana pangove nezinyeke-nyeke chete denda iri rinonyuka zvakare. Kana zvadai Hurumende inenge isina zvimwe zvekuita asi kutora matanho akasimba zvakare izvo zvinoona veruzhinji vasisatenderwe kufamba-famba.

Vose vari kutsaudzira mitemo yekurwisa kupararira kwedenda iri vanosanganisira vemabhawa ari kuvhurwa zvechitsotsi, vanofanirwa kurangwa nemutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>