MAONERO EDU: Remangwana rirongere

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

MUSI weChishanu svondo rino, 1 Ndira 2016, mhuri yeZimbabwe inenge ichibatana nevamwe pasi rose mukupemberera gore idzva.

Chokwadi kunenge kusingadanwe anonzwa apo vanhu vanenge vachifarira kupera kwegore ra2015 uye kupinda mune rimwe gore idzva.

Zuva iri rinotevera rimwe zororo reKisimusi kureva kuti anenge ari mafaro chete.

Panguva iyi ndipo munhu paanofanirwa kudzamisa pfungwa pamusoro pezvakaitika muupenyu hwake mugore ra2015 nezvaanoshuvira kuita muna 2016.

Tinodaro nekuti kune zvimwe zvaishuvirwa nevanhu vakasiyana kuti vange vachiita muupenyu hwavo muna 2015 asi zvisina kukwanisika nekuda kwezvikonzero zvakawanda.

Zvakakosha kuti munhu aronge pamusoro peupenyu hwake hwemangwana zvisinei kuti zvinozobudirira here kana kuti kwete.

Ingave mhuri kana kambani chaiyo, panodiwa kuronga kwakati tsvikiti kuti zvinhu zviendeke nekuti hazvibatsire kungoita chindoenda kana kuti gudzamudungwe apo chakarongwa kubva pekutanga hapana. Vakuru vanoti gavi rakanaka rinobva kumasvuuriwo arinenge raitwa uye izvi zvakafanawo nekuti kana munhu akave nehurongwa hwakajeka hazvinetse kuti zvishuwo zvake zvinge zvichizadzikiswa. Mujaho unohwinhwa paunotanga, zvimwe chetewo nekuti kana munhu akatadza kuronga zvine chiedza pakutanga kwegore kudai, anozodemba mangwana nekuti inenge yave mvura yeguchu yadeuka isingadyorerwi.

Zvakafanana nekuti munhu akatanga gore akamomoterwa nezvikwereti, anogona kusvika pakupera kwaro achingochema nekuda kwezvikwereti izvozvo nekuti ndizvo zvinenge zvakaumba hwaro hwegore iroro pakutanga. Pakufarira gore idzva apa vanhu vanoita zvakasiyana sezvo vamwe vanorara vachinamata kumachechi, vamwewo vachienda kunzvimbo dzemafaro dzakasiyana.

Asi chakakosha ndechekuti mhemberero dzose dziitwe murunyararo uye zvine mutsigo. Tinodaro nekuti kune vamwe vanofarisisa zvekupedzisira vakonzera mhirizhonga yekurwisana nekuda kwekutora zvinodhaka kana zvimwewo zvikonzero.

Kazhinji vakadai ava vanopedzisira vasungwa vatarisana nemhosva dzavanenge vapara. Saka tinoti kufara hakuna kuipa asi kuti tikati fare-fare toti tindike nekuti kangoma karirisi ndiko kaparuki. Kune vamwe zvakare vanofarira Goredzva nekuputitsa ma”fireworks” pakati husiku panotanga gore idzva iri.

Tinoyambira zvikuru avo vanoda kuzoputitsa ma”fireworks” aya kuti ngavazviite nenzira ine huchenjeri kana kuti hungwaru nekuti zvine njodzi. Tinodaro nekuti gore negore kune vamwe vanhu vanokuvara zvakaipisisa – vamwe vachikuvadzwa maziso zvekusara vave mapofu – kana kutofa chaiko mushure mekunge vaputukirwa nema”fireworks” aya.

Vana vadiki ngavasaregwe vachiputitsa ma”fireworks” aya voga nekuti zvine njodzi huru. Tinokushuvirai gore ra2016 rakaropafadzwa pamwe nebudiriro yezvishuviro zvenyu!

Share This:

Sponsored Links