MAONERO EDU: Rongeka pakurima

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Rongeka pakurima

Kwayedza

KUNE chirevo chinoti shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva ichiripo kuitira kuti isazowanikwa isina kugadzirira zvakakwana kana yave kuda kurishandisa.

Chirevo ichi chinoburitsa pachena kukosha kwakaita nyaya yekurongeka uye kuita zvinhu zvose nenguva nechinangwa chekuti upenyu hunge huchiendeka.

Izvi zvimwe chete nekuvarimi, zvakakosha kuti pari zvino vatange kuronga basa ravo remwaka uri kutevera.

Kwangosara mwedzi mumwe chete kuti mvura ituruke sezvo kazhinji ichitanga kunaya pakati paGunyana.

Kana murimi akatadza kuita gadziriro yake nguva ichiripo, anogona kurasikirwa negoho rake zvikuru.

Iye zvino ndiyo nguva yekuti kana murimi achishandisa mombe pakurima aone kuti dzine kudya kwakakwana here.

Pamusoro pezvo, kune chirwere chanetsa nekuuraya mombe chinozivikanwa nekuti “January Disease” icho chinokonzerwa nezvikwekwe nekudaro murimi anofanira kutora matanho ekudzivirira zvirwere zvakadai.

Murimi anokwanisa kubaya mombe dzake majekiseni kana kudzidhibhisa nechinangwa chekudzivirira zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Izvi zvakakosha nekuti kana murimi akarasikirwa nemombe dzake, zvinoreva kuti anozosangana nematambudziko panguva iyo anenge ave kuda kurima.

Kunze kwaizvozvo, ino inguva zvakare yekuti murimi aone kuti midziyo yake yakaita semagejo, mapadza nezvimwe zvine zvakakwana here.

Zvakakosha kuti murimi aongorore kuti gejo rake richine muromo kana rushaya here kuitira kuti mvura painongoturuka, iye haazopedze nguva ave kumhanya-mhanya kutsvaga mapatsi anenge asipo pagejo rake.

Murimi akarongeka anofanotenga mbeu, mafetireza nemishonga yekufiritisa zvirimwa.

Hazvibatsire kuti murimi azotanga kutsvaga mbeu kana mafetireza mvura yatoturuka.

Murimi akangwara anofanotenga mafetireza kana mbeu pashoma nepashoma kusvikira yakwana nekuti kuda kuzozvitenga pamwe chete zvinogona kuzomuomera zvikuru.

Vamwewo varimi vanotora mukana wenguva yeChirimo kuburitsa mupfudze wemombe nezvimwe zvipfuyo mumatanga uyo vanozoparadzira muminda vaurimira muvhu.

Mupfudze wakakosha zvikuru sezvo uchiita kuti ivhu rive nekudya kunodiwa nembesa.

Zvakakoshawo kuti varimi vatore ivhu ravo kuti rinoongororwe nenyanzvi rigoonekwa kudya kunenge kuchiperevedza mariri.

Kana ivhu rikaongororwa nenyanzvi, murimi anopihwa mazano ematanho akakodzera aanofanira kutora kuti ange achiwana goho guru.

Vamwewo varimi ndivo vanorima minda yavo munguva yeChirimo – kuya kunonzi kufanounda munda – izvo zvinoita kuti kana paine mashanga seechibaga kana enzungu arimirwe pasi.

Izvi zvakakosha sezvo zvichiita kuti ivhu riwane kudya kwakasiyana kunodiwa nembeu dzinozodyarwa.

Kana murimi agadzirira zvakakwana, zvinoreva kuti panongoturuka mvura pakutanga kwemwaka weZhizha, anobva arima nekutodyara mbeu dzake.

Zvakakosha kuti murimi abate mwaka wekudyara nekuti kana atosara kumashure zvinoreva kurasikirwa negoho.

Ngatirongerei mwaka yedu zvakanaka kuitira kuti tigorima zvekugutsa mhuri nenyika yeZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey