Uncategorized

MAONERO EDU: Runyararo pasarudzo!

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
MAONERO EDU: Runyararo pasarudzo!

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro unouya, 30 Chikunguru, zvizvarwa zveZimbabwe zvichanovhota musarudzo dzinoratidza kuti dzichaitwa murunyararo uye pasina kubiridzira. Sarudzo idzi ndedzekutsvaga mutungamiri wenyika, nhengo dzedare reParamende pamwe chete nemakanzura.

Zvisati zvakamboitika muZimbabwe – kana dai payainge ichanzi Rhodesia – kune mapato akawanda zvikuru ari kukwikwidza musarudzo dzegore rino apo vanhu 23 vari kukwikwidza chigaro chemutungamiri wenyika.

Iyi yaita nhoroondo yenyika ino, kuti Zimbabwe iite sarudzo dzine mapato akawanda kudai ari kukwikwidza. Zvakakosha kuti sarudzo idzi dziitwe murunyararo kuitira kuti dzive nechiremerera uye kuti zvichabuda zvikwanise kugamuchirwa nezvizvarwa zvemuno pamwe chete nevamwe vekunze.

Kusvika pari zvino uye kwangosara mazuva mashoma kusvika pazuva guru iri, muZimbabwe mune vaongorori vakawanda vakabva kunyika dzakasiyana avo vakauya kuzoona kuitwa kwesarudzo idzi.

Kuuya kwevaongorori vakawanda uku chiratidzo chekuti Zimbabwe iri mugwara rakanaka izvo zvasiyana zvikuru nesarudzo dzaiitwa makore adarika. Hakuna zvekurovana, kumaranzurana kana ipi zvayo mhirizhonga. Vanotuka vamwe hameno kuti ndivo vakaita sei.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuzvirova matundundu nekuchengetedza runyararo panguva yesarudzo uye kusiyana zvachose nenyaya dzemhirizhonga. Mhirizhonga haina kunaka, inokonzera kurasikirwa neupenyu, kukuvadzwa kwevanhu nekuparadzwa kwemidziyo uye zvose izvi zvinodzosera budiriro yenyika kumashure.

Mweya uripo pari zvino werunyararo unofanira kuramba uchienderera mberi kunyangwe apo pachaziviswa zvinenge zvazobuda musarudzo idzi.

Mapato ose ari kukwikwidza musarudzo idzi anofanira kuramba achikusha mashoko erunyararo. Nekudaro, tinogamuchira nemawoko maviri kurudziro iri kuitwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa pose pavanenge vachitaura neruzhinji kuti sarudzo idzi dzinofanira kuitwa murunyararo. Zvakakoshawo kuti vatungamiriri vemamwe mapato ari kukwikwidza musarudzo idzi vaparidzewo runyararo.

Zvinotoshamisa kuti kune vamwe vari kukurudzira mhirizhonga nechinangwa chekuti munyika muve nenyonga-nyonga.

Kwete, mutungamiriri chaiye ane zvido zvevanhu haakurudzire mhirizhonga asi runyararo zvisinei nekusiyana kunenge kwakaita mapato ezvematongerwo enyika. Zvivarwa zvemuZimbabwe zvinoda runyararo uye izvi zvakaratidzwa munaMbudzi gore rapera apo pakauya Hurumende itsva iripo pari zvino. Gore rapera munaMbudzi, pasi rose rakashamiswa nekubatana kwakaita vanhu vemuZimbabwe vemapato akasiyana uye zvakange zvisinei nekuti munhu mutema here kana kuti muchena.

Zvido zvenyika ndizvo zvakaiswa pamberi nekudaro mweya mumwe chete uyu unofanira kuenderera mberi. Dzimwe nyika dzemuAfrica nekune mamwe matunhu dzinofanira kudzidza kubva kuZimbabwe kuburikidza nemucherechedzo wakanaka wekuita sarudzo murunyararo. Mapoka ose ari kuongorora sarudzo ari kugara achikurudzira runyararo chinove chinhu chakakosha zvikuru.

Kune avo vane zvavanenge vachigunun’una nazvo pamusoro pesarudzo idzi, vakasununguka kuenda kumatare edzimhosva nenhunha dzavo kwete kukurudzira mhirizhonga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>