Uncategorized

MAONERO EDU: Tinotenda uto reZdf#

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Tinotenda uto reZdf#

Kwayedza

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino, zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mukupemberera zororo remagamba reHeroes Day neremauto reDefence Forces Day.

Mazororo maviri aya akakosha zvikuru munhoroondo yenyika ino.
Mauto eZDF, kunze kwekuchengetedza nyika kubva kumuvengi, ane basa guru raari kuita mukusimudzira budiriro kumativi ose eZimbabwe.

Mukati memauto eZDF — ayo anosanganisira Zimbabwe National Army (ZNA) neAirforce of Zimbabwe (AFZ) – mune nyanzvi dzemabasa akasiyana semadhokotera, mainjiniya, vanovaka nevamwe.

Panguva iyo munyika munenge muine kugadzikana sezvazviri muZimbabwe pari zvino, nyanzvi idzi dzinotora mukana uyu kubatsira mumabasa akasiyana mukusimudzira budiriro yeZimbabwe.

Mabasa aya anosanganisira kurapa varwere pachena, zvikuru kunzvimbo dziri kumaruwa uko vamwe vanhu vanenge vachigara kure nezvipatara nemakiriniki. Pamusoro pezvo, kana pakaitika njodzi semafashamu emvura munguva yeZhizha, mauto aya anowanikwa achinunura avo vanenge vave panjodzi yekurasikirwa neupenyu. Mauto eZDF anobatsirazve mukuvaka zvakadai sezvikoro, makirinika kana mazambuko nemigwagwa.

Pakadai apa, vagari venharaunda inenge ichida rubatsiro vanounganidza zvekushandisa sezvidhina nezvimwe zvinodiwa.
Mauto anozongobatsira nehunyanzvi hwawo pakuita basa sezvo pamari yavanopihwa nehomwe yenyika panenge pasina yekufambisa mabhindauko akaita sekubatsira nharaunda. Gore negore, mauto eZDF anotora mukana wekuratidza veruzhinji mabasa makuru erubatsiro avanenge vachiita apo kunenge kwangosara vhiki rimwe chete kuti mhemberero dzeZDF dziitwe.
Izvi zvinobatsira mukusimudzira kudyidzana kwakanaka pakati pemauto neveruzhinji. Mamwe emabhindauko ari kuitwa nemauto eZDF akaratidzwa svondo rapera anosanganisira dzimba dzekudzidzira dzakavakwa paRedcliff Primary School, kuRedcliff, kudunhu reMidlands.

Mauto aya akavaka zvakare dzimba dzekufundira dzeEarly Childhood Development (ECD) paSt Marnocks Primary School, kwaZvimba.

Vachitaura pakuvhurwa kwedzimba dzakavakwa nemauto pachikoro cheRedcliff Primary, mukuru weZDF, General Philip Valerio Sibanda, vanoti mauto akazvipira kusimudzira dzidzo nekuti vechidiki ndivo vatungamiriri venyika vamangwana nekudaro zvakakosha kuti vawaniswe zvikoro zvakanaka. Vanoti ibasawo remauto kuona kuti matunhu abudirira uye kuti vana vakure vachidzidzira muzvikoro zvakanaka.

“Semauto, rimwe rebasa redu kunze kwekudzivirira nyika, nderekuona kuti matunhu edu abudirira. Kubudirira kwedunhu kunotanga nekuva nezvikoro zvakanaka nekuti vana vedu ava ndivo vatungamiririri vamangwana,” vanodaro Gen Sibanda. Semaonero edu, nharaunda dzakasiyana dzinofanira kutora mukana wekushanda pamwe chete nemauto kusimudzira budiriro yenyika. Chitsvambe kana kuti chisveru chasarira kunharaunda dzakasiyana kuti dzinge dzichiungaidza zvinoda kushandiswa mumabhindauko akadai sekuvaka zvikoro kana makiriniki nekuti mauto akatozvipira kuvabatsira pachena kuburikidza nehunyanzvi hwavo. Mabasa makukutu ari kuitwa nemauto eZDF anodadisa uye anofanira kurumbidzwa. Chakanaka chakanaka mukaka haurungwe munyu!

Share This:

Sponsored Links