MAONERO EDU: Tinotenda Zimbabwe

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
MAONERO EDU: Tinotenda  Zimbabwe

Kwayedza

TINOTENDA, Zimbabwe tinotenda!

Zvizvarwa zveZimbabwe neMuvhuro svondo rino, 30 Chikunguru, zvakavhota musarudzo kumativi ose enyika.

Sarudzo idzi ndedzekutsvaga mutungamiriri wenyika, vamiririri vedare reParamende pamwe chete nemakanzura.

Kutanga nemusi weChipiri svondo rino, 31 Chikunguru – kwangopera zuva rimwe chete bedzi sarudzo idzi dzaitwa – sangano reZimbabwe Electoral Commission (ZEC) rainge rotozivisa zvakabuda kumamwe matunhu enyika uye richaramba richizivisa veruzhinji.

Chinongofadza ndechekuti sarudzo idzi dzakaitwa murunyararo, pasina mhirizhonga. Izvi hazvina kumbobvira zvakaitika musarudzo dzakamboitwa kumashure.

Mapoka anoona nezvekuongororwa kwesarudzo akawanda zvikuru akauya muZimbabwe kuzoona mafambiro esarudzo idzi zvinove zvinhu zvinopa chiremerera kunyika ino.

Masangano aya anosanganisira reCommonwealth Observer Mission rinova sangano remubatanidzwa wenyika dzaive pasi peBritain dzisati dzawana kuzvitonga kuzere. Makore adarika, masangano akadai haaitenderwa kuuya kuzoona kuitwa kwesarudzo muZimbabwe, izvo zvasiyana nezvakaitwa gore rino. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuzvirova matundundu nekuita sarudzo idzi murunyararo. Izvi zvinotendwa uye zvinodadisa!

Kubvira paitsvaga mapato akasiyana ezvematongerwo enyika rutsigiro, shoko rakange riri rimwe chete rekukurudzira runyararo.

Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa vakagara vachiparidza shoko rerunyararo mukuitwa kwesarudzo idzi uye vari kuramba vachikurudzira runyararo urwu. Runyararo rwunofanira kuramba rwuripo kunyangwe pachaziviswa zvinenge zvabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Kune vanenge vakunda musarudzo idzi vanofanira kupemberera mune zvakanaka, kwete kusvotesa kana kugodobvora vamwe.

Tinodaro nekuti sarudzo dzakangofanana nemutambo wenhabvu wekuti chimwe chikwata chinogona kukundwa kana kuita mangange.

Kune avo vanenge vakundwa, vanofanira kugamuchira zvinenge zvabuda uye vogadzirirawo mune remangwana apo pachazenge pave kuitwa dzimwe sarudzo mushure memakore mashanu.

Zvichakadai, veruzhinji vanofanira kungwarira dzimwe nhunzvatunzva dzinogona kuda kukonzera nyonganyonga munyika munguva ino yesarudzo.

Dzimwe nhubu idzi dziri kutumira mashoko enhema pa”Social Media” dzichiti ndizvo zvakabuda musarudzo dzichangobva kuitwa idzi. Pasi pemutemo unoona nezvesarudzo, imhosva huru kuti mumwewo munhu zvake kana sangano riburitse mashoko ane chekuita nezvinonzi ndizvo zvakabuda musarudzo. Komisheni inoona nezvesarudzo, yeZEC, ndiyo bedzi ine mvumo yekuzivisa zvinobuda musarudzo. Nekudaro veruzhinji vanofanira kusiyana neavo vanenge vachitumira mashoko ezvakasiyana-siyana vachiti ndizvo zvabuda musarudzo idzi.

Zvakakoshawo kuti munyika murambe muine runyararo nekuti mhirizhonga inodzosera kumashure budiriro yeZimbabwe.

Tinokutendai vana veZimbabwe! Munodadisa.

Share This:

Sponsored Links