MAONERO EDU: Tsika dzedu hadzidaro

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
MAONERO EDU: Tsika dzedu hadzidaro

Kwayedza

PACHIVANHU, pane tsika nemagariro izvo vanhu vanotarisirwa kunge vachitevedza nechinangwa chekuchengetedza hunhu hwakanaka.

Izvi zvinosanganisira kucherechedza hukama hunenge huripo pakati pevanhu – semukuwasha naambuya kana kuti tezvara nemuroora.

Kazhinji, vanhu vakaita semukuwasha naambuya vanotarisirwa kunge vachiremekedzana zvakanyanya nguva dzose sezvo vari vanyarikani.

Asi, mazuva ano zvinhu zvasanduka – vamwe vanhu havachakoshesa hukama hwakadai.

Semuenzaniso, svondo rapera muKwayedza makabuda nyaya yemumwe mukuwasha wekuZvishavane uyo anonzi akarikita kurova ambuya vake neshamhu ine tsarapu kumeso.

Mukuwasha uyu anonzi akarova ambuya vake zvichitevera kudyiswa kwaakange aitwa mupfuhwira wemuswe wedzvinyu nemudzimai wake.

Zvinonzi mukuwasha uyu akazooona muswe wedzvinyu uri muchikafu chaakange apihwa nemudzimai wake ava kutodya.

Pakabvunza mudzimai wake nezvemuswe wedzivnyu uyu – apo akamutyisidzira achiti kana akasataura chokwadi aigona kumuuraya – mukadzi uyu akabva adura kuti amai vake ndivo vainge vamupa mupfuhwira wacho.

Mukuwasha uyu akabva ananga kumba kwaambuya vake achiviruka nehasha, ari munzira ndokutemha shamhu ine tsarapu iyo akasvika achikwapaidza kuvarova nayo. Ambuya ava vakatozonunurwa nevavakidzani vavo mushure mekunge vavanzwa vachibongomora mhere kuchema apo vairikitwa nemukuwasha wavo.Mukuwasha kuzvambaradza ambuya?

Hunhu hwakadai hunoshoresa zvikuru.

Pachivanhu, mukuwasha akadai anotofanira kuripa ambuya vake kana nemombe chaiyo. Kunyangwe kuti mukuwasha atukane naambuya hazvipe chimiro chakanaka nekuti hazvina hunhu.

Zvino uyu wekuZvishavane akatosvika pakuenda kumba kwavo ndokunovazvamburaikoko. Maitiro akadai anopesana netsika nemagariro echivanhu.

Mukuwasha uyu mune remangwana anozotarisana sei naambuya vake ava pamwe nehama dzavo?

Hongu, zvinorwadza kuti murume adyiswe mupfuhwira nemudzimai wake – zvikuru kana uri wezvimwe zvipuka zvakaita semadzvinyu.

Asika, izvi handizvo zvingaite kuti mukuwasha arase hunhu zvekusvika pakuenda kumba kwaambuya achinovarova.

Mukuwasha uyu pane dzimwe nzira dzaaikwanisa kushandisa mukugadzirisa nyaya iyi, kwete zvaakaita izvi izvo zvinomubvisa chimiro.

Aikwanisa kuenda kunanasekuru vake – hanzvadzi dzaambuya vake – onovapira nyaya yake yogadziriswa mune zvakanaka.

Mazuva ano, vanhu vakawanda havasi kukoshesa hukama huripo pakati pevanyarikani. Svondo rapera, rimwe bepanhau redu reH-Metro rakaburitsa zvakare nyaya yemudzimai wemuHarare anonzi akaenda nemwanakomana wake kumba kwaakaroora ndokusvika achirova amai vemukadzi wake.

Mudzimai uyu nemwanakomana wake vanonzi vaipomera ambuya ava kuti pane mushonga wavakange vashandisa kuti kasvava kemwana wavo karambe kuyamwa.

Nyaya iyi pari zvino iri kumatare edzimhosva mushure mekunge ambuya ava vamhan’ara kurohwa kwavanoti vakaitwa.

Patsika nemagariro echivanhu, hazvitarisirwe kuti mukuwasha naambuya varwisane kana kuti vanomisidzana mumatare edzimhosva.

Hukama huri pakati pevanyarikani hunofanira kukosheswa.

Hazvibatsire kuti vanhu vabatire chirungu padenga nekuti chakauya nechirungurira.

Vanhu ngavaremekedzane mukurarama.

Share This:

Sponsored Links