MAONERO EDU: Unzai yedu mari

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
MAONERO EDU: Unzai yedu mari

Kwayedza

ZIMBABWE pari zvino iri mushishi kurwisana nematambudziko ari kukonzerwa nekukwira kwemitengo yezvinhu izvo zviri kuona vemabhizimisi vakawanda vachikwidza mitengo zvisina tsarukano.

Mamiriro ezvinhu aya ari kuita kuti veruzhinji vaomerwe neupenyu sezvo kuwana mari riri dambudziko guru.

Vemabhizimisi anotengesa zvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose semagirosari vari kuita madiro aJojina chaiwo nekuti vari kungokwidza mitengo pavadira. Chikonzero chikuru chiri kuita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo kudai ndechekuti nyika ino haina mari yayo chaiyo, asi kuti iri kushandisa mari yekunze anova maUS$.

Izvi zvapa mukana kune vezvitoro kuti vangoti zvose-zvose vari kuzvihodha nemari yekunze iyi.  Apa vachinyeba zvavo. Anongova makaro nekuda kuona veruzhinji vachirwadziwa. Tinozviziva kuti vakawanda vavo havasisiri mubhizimisi rekuda kuwanisa veruzhinji zvavanoda mukurarama, asi kuti vave kuita zvematongerwo enyika. Zvinozivikanwa kuti pasi rino rose hakunai nyika yakambosimukira nekushandisa mari yekune imwe nyika.

MuZimbabwe, mari yekunze yainge yangoshandiswa kuitira kurerutsa zvinhu kwenguva pfupi, kwete zvachose.

Kushandiswa kwemari yekunze uku kuri kuita kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika vauye muno “kuzomora” maUS$ aya vachienda nawo kunyika dzavo.

Zviri pachena kuti maitiro akadai aya haasimudzire upfumi hweZimbabwe asi kuti zvinotodzokera kumashure zvikuru.

Kune makuruku emunowo, avo vari kuta basa rekusandura huremu hwemari yekunze iyi kana ichienzaniswa neyemuno. Chinangwa chavo kuda kurerutsa mari yenyika yavo nekuda kwemakaro.

Izvi zvinoreva kuti Hurumende yaPresident Mnangagwa inofanirwa kutora matanho anopedza dambudziko iri.

Naizvozvo zvakakosha kuti nyika ino ive nemari yayo chaiyo kuitira kuti pave nekusimukira munyaya dzehupfumi uye mitengo yezvinhu yodzikama, veruzhinji vorerukirwa. Nekudaro tinotambira nemawoko maviri mashoko emutungamiriri wenyika President Mnangagwa ekuti Zimbabwe inofanirwa kunge yave nemari yayo panozopera gore rino. Vachitaura kuruzhinji rwevanhu vaive vakaungana pazuva rekuchenesa nharaunda, reNational Clean-up Campaign kuSouthlea Park, muHarare, President Mnangagwa vanoti upfumi hwenyika ino hunosimukira bedzi kana Zimbabwe iine mari yayo. Vanoti mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira nekuda kwekuti pari zvino nyika ino haina mari yayo. Danho rekuti Zimbabwe ive nemari yayo rakakosha zvikuru.

Veruzhinji vari kurozvwa mari dzavo nekuda kwekuti vakawanda kumabasa vari kutambira mari iri kumaRTGS$ asi mitengo yezvinhu inenge iri kumaUS$. Chava kungodiwa bedzi kuti Zimbabwe ive nemari yayo yainoshandisa kwete kuvimba neUS$ rekuAmerica.

Tsigirai maWarriors

CHIKWATA chenyika chenhabvu, cheZimbabwe Warriors, chatova kunyika yeEgypt uko chichakwikwidza mumitambo yeAfrica Cup of Nations (AFCON)

Zvakakoshawo kuti veruzhinji vatsgire chikwata ichi apo chatarisana nemakwishu aya. Nerutsigiro rwedu, hakuna chinoramba!

Mitambo wekutanga wemakwikwi egore rino uri pakati peZimbabwe neEgypt musi Chishanu chiri kutevera, 21 Chikumi nenguva dza10 manheru.

Gadziriro dzemaWarriors dzemitambo iyi dzinoda rutsigiro rweruzhinji rweZimbabwe. Panotova nekomiti yakaumbwa naPresident Mnangagwa iyo iri kufambisa basa rekuunganidza mari yekuti chikwata chenyika ichi chishandise kumakwikwi aya. Mari iri kudiwa kutsigira maWarriors kuAfcon inosvika US$500 000.,Zvakakosha kuti makambani, veruzhinji nemamwe mapoka vabatane mukutsigira maWarriors. Rubatsiro rwose zvarwo rwunodiwa pakadai, kusanganisira vane madhora dhora chaiwo. Semunzaniso, kana vanhu vanosvika 500 000 vakabvisa US$ rimwe chete pamunhu, zvinoreva kuti mari iyi inenge yatosvika US$500 000 iyo iri kudiwa pakutsigira maWarriors. Kubudirira kwechikwata ichi kuEgypt kunosimudzira mureza weZimbabwe pasi rose. Go Warriors Go!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>