MAONERO EDU: Vanhu yeukai kwamakabva

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VAKURU vane chirevo chinoti ziva kwawakabva, mudzimu weshiri uri mudendere. Izvi zvinoreva kuti munhu anofanira kukoshesa zvakaita kuti ave neupenyu hwaave nahwo panguva iyoyo.

Zvinorevawo kuti munhu anofanira kurangarira kuchengeta vabereki, vakamurera kana kuyeukawo kusimudzira nharaunda yaakakurira.

Asi havazi vanhu vose vanoyeuka kusimudzira nharaunda dzavanenge vakakurira apo vanenge vabudirira muupenyu. Svondo rino, tine imwe nyaya inopa mucherechedzo wakanaka zvikuru, nyaya yekwaMambo Njelele, kuGokwe, uko mumwe muzvinhabhizimisi anove chizvarwa chemudunhu iri ari akavakira mambo veko dare rekutongera mhosva rechizvinozvino.

Sekutaura kwemurume uyu, anoti akanzwa shungu dzekuvakira mambo dare rakadzikama mushure mekunge avashanyira rimwe zuva ndokuvawana vachitongera mhosva pasi pemuti wemuhacha.

Dare iri nderechizvino-zvino iro rine dzimba dzinosanganisira pekutongera mhosva, chitokisi chekuvharira masungwa sevaya vanozvidza madzimambo neimba huru (hall) yekutira mitambo, misangano nemichato.

Danho rakadai rinopa chiremerera kumadzimambo avo vagara vari ivo musimboti wekuchengetwa kwetsika nemagariro echivanhu kubva pasichigare.

Zvakaitwa nemurume akavakisa dare raMambo Njelele uyu zvinofanirwa kuyemurwa nevamwe uye kuti vatevedzere matsimba ake nekusimudzirawo matunhu avanobva, zvikuru kumaruwa.

Kumativi mana enyika, kune dzimwe nzvimbo dzakasaririra zvikuru munyaya dzebudiriro uye chinoshamisa ndechekuti kunyangwe kunzvimbo dzakadai kuchibva vamwe vanhu vane mukurumbira, hapana zvavari kuitira nzvimbo dzavanobva. Vazhinji vane pfungwa yekuti ibasa reHurumende kana kuti remakanzuru kusimudzira budiriro yenharaunda dzinove pfungwa dzakasaririra kumashure. Kana vanamuzvinhabhizimisi vakawanda munyika, vakatevedzera zviri kuitwa nemumwe wavo wekwaMambo Njelele, muZimbabwe munove nebudiriro huru. Sekutaura kwaMambo Njelele, muzvinhabhizimisi uyu ane mabhindauko kana kuti mapurojekiti ebudiriro anosvika 19 aari kuita mudunhu ravo.

Izvi zvinofanira kukudzwa nekuti chakanaka chakanaka mukaka haurungwe. Chinodiwa chete kuzvipira kuti zvinhu zvose zvigoendeka.

Kune dzimwe nzvimbo dzemunyika muno dziri kuda zvakaita semakiriniki kana kuwedzerwa makamuri evana ekudzidzira muzvikoro izvo zvinogona kuvakiswa nyore nerubatsiro rwavanamuzvinhabhizimisi nevamwe vanhu vemunharaunda idzodzo. Hazvirevi kuti vanamuzvinhabhizimisi chete ndivo voga vanogona kusimudzira nharaunda, kwete. Vamwewo vanokwanisa kubatsira kuburikidza nemapoka akadai seanoumbwa nevanhu vakadzidza pachikoro chimwe chete nechinangwa chekusimudzira chikoro ichocho.

Kune mamwe makambani ari kushandira kumatunhu akasiyana enyika ayo asina zvaari kuita mukusimudzira nharaunda dzaanoshandira.

Makambani aya anosanganisira emigodhi ayo mamwe acho asingakwanise kugadzirisa kana migwagwa chaiyo yaanoshandisa mazuva ose.

Kwete, kuita kwakadai hakuna kunaka. Zvinodadisawo uye zvinoumba hukama hwakasimba kana makambani akadzorerawo kunharaunda dzaanoshandira. Semaonero edu, kana veruzhinji vakaita chirwirangwe chekusimudzira nharaunda dzavo, nyika yedu inova nebudiriro huru.

Share This:

Sponsored Links