MAONERO EDU: Vanoviga hupfu ngavarangwe

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
MAONERO EDU: Vanoviga hupfu ngavarangwe

Kwayedza

ZIMBABWE pari zvino yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwehupfu hwechibage muzvitoro uho hunodiwa neveruzhinji sezvo sadza riri iro kudya kukuru munyika.
Hupfu hwakakosha zvikuru nekuti sadza ndiko kudya kwevakawanda.

Kana mumba mukashaikwa hupfu, munoshaikwa mufaro nekuti sadza ndiro rinobata ura, ndiro rinosimbisa munhu.

Hupfu hwakatanga kushomeka munyika pakunopera kwegore radarika.
Hurumende inoti panguva yekunopera kwegore iyi, mamwe emakambani anogaya hupfu haana kunyatsoshanda nemazvo izvo zvakakonzera kuti hushomeke.

Panguva imwecheteyo iyi, kune vamwe vanhu zvakare vakatanga katsika kekuhodha hupfu hwe”mugaiwa” (roller meal) uho hunofanirwa kutengeswa nemari yakatarwa neHurumende ye$50 pa10kg.

Kune makoronyera ari kuhodha hupfu uhu muzvitoro ozonohutengesa nemari yemusvo iri pakati pe$85 ne$110 pa10kg.

Mamwe emakoronyera aya anonzi anonopeka hupfu uhu patsva vachiisa mumapepa ema10kg, 5kg kana ma500g ayo anozivikanwa nekuti “tutsaona” vachitengesa nemari yakawanda pamusika wemukoto.

Kune vamwezve vezvitoro vari kushanda nemakoronyera ayo ari kuhodha hupfu uhu apo vanohutengesa huchangosvika inove tsika yakaipa zvikuru.

Kushomeka kwehupfu kwabva kwaitawo kuti mutengo wechibage ukwire uye pari zvino bhagidhi rechibage riri kutengeswa nemari iri pakati pe$100 kusvika $120 zvichisiyana nenzvimbo.

Kunyangwe mitengo yezvimwe zvirimwa zvinogaiwa zvichibikiswa sadza semhunga yakakwira zvakare sezvo bhagidhi kuMbare Msika riri kutengeswa ne$180.

Zvinotoshamisa kuona kuti kune dzimwe nhubu nemakoronyera vari kutora mukana wekushomeka kwehupfu vachihodha nekutengesa nemari yepamusoro.

Madiro ave kuitwa mari nevamwe vanhu adarikidza uye vave kuita zvose zvose chinangwa chiri chekuti vawane mari chete.

Dambudziko rekushomeka kwehupfu munyika iri raona Hurumende ichiumba taskforce yakananga kuona kuti hwawanikwa nevanohuda pasina tsvete uye nenzira dzakajeka.

Nhengo dzetaskforce iyi — iyo iri kutungamirirwa nemutevedzeri wegurukota rinoona nezvemaindasitiri nekutengeserana, Cde Raji Modi — dzichaongorora mafambisirwo ari kuitwa hupfu kubvira pahunogaiwa nemakambani kusvikira hwaendeswa kuzvitoro uko hunotengeswa.

Veruzhinji vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwenyaya yekushomeka kwehupfu iyi nekudaro danho rakatorwa neHurumende rekuongorora mafambisirwo ari kuitwa nyaya iyi rinorumbidzwa zvikuru.

Nechinangwa chekuti dambudziko iri ringe richigadziriswa, Hurumende iri kutenga chimwe chibage zvakare kubva kunze kwenyika.

Chibage ichi chiri kuwedzerwa pane icho chagara chine dura guru renyika reGrain Marketing Board.
Sadza upenyu, nekudaro hupfu haufanirwe kushomeka asi kuti ngauwanikwe zviri nyore.

Vezvitoro vari kuhodhesa hupfu kumakoronyera vanofanira kurangwa zvakaomarara maringe nemutemo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey