MAONERO EDU: Worera mujeri iwe zibhinya!

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
MAONERO EDU: Worera mujeri iwe zibhinya!

Kwayedza

HURUMENDE inoti iri kutora matanho akananga kuona kuti vanobata chibharo kana kuita chingochani varangwa zvakaomarara kuburikidza nekuvandudzwa kwemutemo. Mutemo mutsva uchaita kuti vanobhinya vaworere mumajeri.

Uku ndiko kugona chaiko!

Sekutaura kwegurukota rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Orpah Muchinguri, pasi pematanho aya, anenge abatwa nemhosva yechibharo achatongerwa kugara mujeri kwemakore 30.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita nyaya dzechibharo.

Kana vanobata chibharo vakarangwa zvakaomarara zvinoita kuti munhu afunge kaviri asati apara mhosva yerudzi urwu.

Tinotambira matanho aya nemawoko maviri nekuti munhu anobata munhukadzi chibharo haana kumbosiyana nemhondi.

Munhu anenge abatwa chibharo anokanganisika kweupenyu hwake hwose uye anozvidya moyo achiti sei zvakadaro zvakaitika kwaari.

Pari zvino vanobatwa nemhosva dzechibharo vari kupihwa mutongo yakasiyana, apowo vamwe vachiregerwa nekuda kwekuti panogona kushaikwa umboo asi zviri pachena kuti mhosva inenge yakaparwa. Vanotodzokera kunosangana nevanhukadzi vavanenge vakabhinya, vamwe vachitozvirova matundundu.

Chimwe chinorwadza ndechekuti dzimwe nguva munhu anenge abatwa nemhosva yechibharo anotongerwa kugara mujeri kwemakore mashoma pane uyo anenge aba chipfuyo sezvinonzi mhuka yakosha kudarika munhu. Semuenzaniso, aba mombe anogona kutongerwa kunodya refovhoro kwemakore 10 asi abata chibharo achipihwa chirango chekugara mujeri kwemakore mashanu.

Saka zvoreva here kuti kubiwa kwemombe kwakakosha kudarika upenyu hwemunhu anenge abatwa chibharo?

Mhinduro inoti kwete uye ndiro donzvo guru riri kuita kuti mutemo unoona nezvekutongwa kwenyaya dzechibharo uvandudzwe.

Chinangwa ndechekuti nyaya dzechibharo dzipihwe mutongo unoenderana nehudzamu hwemhosva dzacho.

Nhasi uno kune nyaya dzakawanda dziri kubuda dzekubhinywa kwevanhukadzi apo vamwewo vanhurume vachibatwa chingochani.

Hunhu hwakadai uhu hunodzikisira pamwe nekuzvidza vanhukadzi nekudaro panofanirwa kukumikidzwa mitemo yakasimba kuti vanhu vane pfungwa dzekupara mhosva dzerudzi urwu vagotya.

Veruzhinji vanofanira kumhan’ara nyaya dzose dzechibharo kumapurisa zvisinei nekuti ndiani anenge adziparamura.

Kune vamwe vane katsika kakaipa kekuvigiridza mhosva dzerudzi urwu kana dzichinge dzaparwa pahukama zvinove zvisina kunaka. Kana vari baba vabata mwanasikana wavo chibharo, amai ngavarege kuvigiridza nyaya iyi vachiti nyakupara mhosva akazoenda kujeri mhuri inosara ichishaya anochengeta. Upenyu hwemwana anenge achibatwa chibharo hwakakosha kudarika kuda kuvhariridza mupari wemhosva.

Kurwisa nyaya dzekubatwa kwevanhukadzi chibharo kunoda mushandirapamwe wevanhu vose nekuti imhosva zvakare kusamhan’ara nyaya dzerudzi urwu asi uchiziva kuti ndizvo zviri kuitika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey