MAONERO EDU: Yava hondo yedu tose

20 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Yava hondo  yedu tose

Kwayedza

CHIRWERE checoronavirus kana kuti COVID-19 chiri kuramba chichitekeshera nepasi rose kubvira pachakatanga kuChina kupera kwegore ra2019.

Pasi rose kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 180 000 vakabatwa nechirwere ichi uye vamwe vanosvika 7 000 ndokufa.

Izvi zvaita kuti nyika dzose dzitore matanho ekurwisa COVID-19.

Mamwe ematanho aya anosanganisira kumiswa kwemitambo yakadai senhabvu, kumiswa kwemisangano mikuru yange yakarongwa uye nekuti vanhu vasangoungana zvisina tsarukano mungava mumachechi kana pandufu.

Kune dzimwe nyika sekuItaly nekuFrance, vanhu vakatombomira kuenda kumabasa uye mamiriro ezvinhu aya anoratidza kuti COVID-19 haizi yekuita dambe nayo.

Nyika idzodzi dzakatovharwa zvekuti hakuna anofamba, vanhu vari kugara mudzimba.

Pamusoro pezvo, dzimwe nyika dzakatotora matanho ekurambidza munhu wose ari kubva kune chirwere ichi kuti asapinde munyika dzavo.

Pakatanga COVID-19, vamwe vanhu vaiona sedambe asi iye zvino nyaya yechirwere ichi ndiyo iri pamuromo wemunhu wose pasi rose.

Zviri pachena kuti vanhu vakaita zvedambe nacho tinopera nechakapedza mbudzi.

Chirwere ichi chinogona kubata munhu wose zvisinei nekuti mupfumi here kana kuti murombo, nekudaro zvakakosha kutora matanho ekudzivirira utachiona hwacho.

MuZimbabwe, kusvika svondo rino hapasati pave nemunhu abatwa aine chirwere ichi.

Hongu, pane vamwe vaifungidzirwa kuti vane utachiona uhu vakange vabva kunze kwenyika avo vakavhenekwa asi ndokuonekwa vasina COVID-19.

Hurumende iri kutora matanho akasimba akananga kudzivirira nekurwisa chirwere ichi.

Matanho aya anosanganisira kuvhenekwa kwevose vari kupinda vachibva kunze kwenyika kuti vaonekwe kana vasina utachiona uhu.

Pari zvino pane muzinda (laboratory) mumwechete uri kuongororwa zvinenge zvatorwa kune vanofungidzirwa kuti vane utachiona uhu unove uri kuSally Mugabe Central Hospital — yaimbonzi Harare Central Hospital.

Asi nechinangwa chekuti basa rireruke, Hurumende inoti iri kuvhura mimwe mizinda yekuita ongororo idzi kwaMutare, Kadoma, Masvingo neGweru.

Izvi zvinoratidza kuti Hurumende iri kukoshesa nyaya yekurwisa COVID-19.

Asi, nyaya huru iri pakuita hutsanana sedunga munhu.

Sekutaura kwegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti zvakakosha kuti munhu wose ave nehutsanana pose paari.

Hutsanana uhu hunosanganisira kugeza mawoko munhu abva kuchimbuzi, asati abika kana kuti mushure mekubata zvinhu zvinenge zviine tsvina.

Pane tsika dzinoitwa nevanhu vatema dzakadai sekubatana mawoko parufu kana kuti pakumhoresana, izvo zvose zvinonzi zvinobatsira mukuparadzira chirwere ichi.

Zvakakosha kutevedzera zvose zvinodiwa pakurwisa COVID-19 uye iri ibasa remunhu wose.

Kurwisa coronavirus yava hondo yedu tose. Pasi rose!

Share This:

Sponsored Links