Maonero Edu: Zvikoro musape Covid mukana

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Maonero Edu: Zvikoro musape  Covid mukana

Kwayedza

CHIKAMU chechipiri chezvikoro (Phase 2) chakavhurwa nemusi weMuvhuro uno kuvana veGrade 6, Fomu 3 ne5. Izvi zvinotevera kuvhurwa kwakaitwa nevari kunyora bvunzo dzekupera kwegore rino nguva pfupi yadarika.

Vamwe vadzidzi vose vachavhura zvikoro nemusi wa9 Mbudzi.

Hurumende yakatora danho rekuti zvikoro zvivhurwe muzvikamu zvitatu nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Zvikoro zvose zvakavharwa muna Kurume gore rino zvichitevera kunyuka kwedenda iri.

Zvisati zvavhurwa, Hurumende ichibatsirana nemapoka akasiyana yakaita ongororo yezvinodiwa kuitira kuti vana, varairidzi nevamwe vashandi vemuzvikoro vange vakachengetedzeka pautano hwavo panyaya yekudzivirira kutapurirwa chirwere ichi.

Izvi zvakaona Hurumende ichiisa padivi mari inosvika $600 miriyoni yekushandisa mukurwisa Covid-19 muzvikoro.

Imwe yemari iyi iri yakashandiswa kutenga mamasiki, masanitizer uye mishonga yekufirita zvikoro izvo zvaimboshandiswa senzvimbo dzekuchengetera vanhu vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Zvakakosha kuti zvikoro zvione kuti vadzidzi nevarairidzi vatevedzera zvose zvinodiwa kurwisa Covid-19.

Tinodaro nekuti chirwere ichi chichirimo muZimbabwe uye kune dzimwe nyika dziri mhiri kwemakungwa chiri kunyuka zvakasimba kechipiri.

Vadzidzi, zvikuru vekupuraimari vanoda chengetedzo yakasimba nekuda kwezera ravo sezvo saka hatifanirwe kuvarairwa.

Hazvishamise kuona vana vemagwaro akadai seGiredhi 2 kana 3, avo vanotarisirwa kuvhura chikoro munguva pfupi inotevera, vachitochinjana mamasiki zvinova nenjodzi huru kuutano hwavo.

Izvi zvinoreva kuti zvikoro zvinofanira kukoshesa nyaya dzekuchengetedzwa kweutano hwevana nekutora matanho akakodzera.

Ongororo yakaitwa neKwayedza kune zvimwe zvikoro zviri kumativi mana enyika inoratidza kuti nyaya dzeutano hwevana nevarairidzi iri kukosheswa zvikuru.

Muzvikoro izvi, vadzidzi vari kuonekwa vakapfeka mamasiki avo nenzira kwayo uye vachizorwa sanitiser vasati vapinda mumakirasi.

Danho iri rinokudzwa uye zvinofanirwa kuramba zvakadaro.

Dambudziko rinogona kuzovepo nguva inotevera kana vadzidzi vakaregererwa vopedzisira voita chijairira panyaya yekuti vagare vakapfeka mamasiki uye nekuti vasaungane.

Izvi zvinoreva kuti dzidzo yekudzivirira kupararira kweCovid-19 inofanirwa kuramba ichirovedzerwa nguva nenguva kuvana ava.

Tinodaro nekuti kunyangwe munharaunda dzakasiyana dzenyika, kune vamwe vanhu vave kuita chijairira chekuti havachakoshesa kupfeka mamasiki kana vachienda kunzvimbo dzinoungana veruzhinji.

Vamwe ndivo vave kuonekwa vakaita chitsoko-tsoko.

Sekutaura kuri kuitwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO), zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ose ekurwisa Covid-19.

Zviri nyore kudzivirira kupararira kwechirwere ichi pane kuzoda kuchirapa sezvo chisati chawanirwa mushonga.

Ngatirege kupa Covid-19 mukana!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>