MAONERO EDU: Zvipfuyo upfumi, zvichengetedzei

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Zvipfuyo upfumi, zvichengetedzei

Kwayedza

MUNGUVA ino yeZhizha, varimi vanosangana nedambudziko guru rezvirwere zvakasiyana izvo zvinobata zvipfuyo zvavo, kunyanya mombe.

Zvirwere izvi zvinosanganisira zvinokonzerwa nezvikwekwe zvinenge zvichiruma mombe nezvimwe zvakaita sechemahwanda.

Izvi zvinoreva kuti varimi vanofanira kutora matanho ekudzivirira mombe dzavo kuzvirwere zvakasiyana. Matanho aya anosanganisira kuendesa mombe kuti dzinodhibha senzira yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kubaya majekiseni ekudzivirira zvirwere izvi. Asi rimwe dambudziko riripo nderekuti kune vamwe varimi vanongomirira kuda kudhibhisa mombe dzavo uye kana kusina mishonga yekuti mombe dzinge dzichidhibha, vanobva vanosiya zvakadaro. Pakadai apa panoda kuti murimi ashingirire nekutenga mishonga yekufirita mombe dzake kwete kuda kumirira kuenda nadzo kudhibhi chete sezvo dzimwe nguva uku kunenge kusina mishonga yacho.

Kurasikirwa nemombe nekuda kwezvirwere zvinokwanisika kudziviririka kunorwadza zvikuru nekudaro zvakakosha kuti varimi vatore matanho ekuzvidzivirira. Zvimwe zvezvirwere izvi zvinogonawo kukonzerwa nenzvimbo dzinenge dzichigara mombe. Kune vamwe varimi vasina hanya zvachose nematanga anogara mombe dzavo apo panguva ino yeZhizha vanorega achizara mvura nemadhaka izvo zvisina kunaka. Izvi zvinokanganisa utano hwezvipfuyo nekuti zvinenge zvorara mudanga rine mvura nemadhaka. Varimi vanogona kupedza dambudziko remadhaka mumatanga nekuisa huswa kana mashanga echibage avanonge vakachengeta kubva mugoho remwaka wadarika. Imwe nzira zvakare ndeyekuti murimi anogona kuita matanga maviri zvichiita kuti achinjanise zvipfuyo zvake matanga kana rimwe rava nemadhaka.

Sezvinongoitawo vanhu, zvipfuyo zvinoda kugara pakatsvinda.

Kuve nezvipfuyo zvakaita semombe zvinoreva kuve neupfumi uye pasichigare munhu ainzi mupfumi ndeuyo aive nezvipfuyo zvakawanda — mombe, mbudzi, hwai, madongi, huku nezvimwe. Kunyangwe mazuvaano, zvipfuyo zvakaita semombe zvichiri kukosheswa zvikuru sezvo kunze kwekurimiswa, dzinoshandiswa mamwe mabasa anosanganisira kurooreswa nezvimwe zvinodiwa pakuitwa kwechivanhu. Kurasikirwa kwemurimi nemombe zvinodzosera zvakare shure mabasa ekurima sezvo mombe idzi dziri idzo dzinoshandiswa pakurima muminda. Hurumende yakavamba chirongwa chekuvandudza danga renyika – cheCommand Livestock –  icho chinove chiratidzo chekukosha kwezvipfuyo munyaya dzeupfumi hwenyika. Zvakadai, rimwe dambudziko nderekuti kune vamwe varimi vanoisa upenyu hwavo panjodzi nekudya nyama yemombe dzinenge dzafa nekurwara. Svondo rapera, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yevarimi vekuBuhera avo vane mombe dzinonzi dziri kufa nekuda kwechirwere chekuzvimba musoro. Vamwe vevarimi ava vanoti vave kutouraya mombe dzavo dzinenge dzabatwa nechirwere ichi vachityira kuti kana dzikafa dzoga havazokwanisa kudya kana kutengesa nyama yacho. Kuita kwakadai kune njodzi huru sezvo varimi nemhuri dzavo vachikwanisa kuzobatwa nezvirwere zvinenge zvauraya mombe idzi. Zvakakosha kuti kana varimi vakaona mombe dzavo dzabatwa nezvirwere zvavasina ruzivo nazvo vachimbidze kuzivisa nyanzvi dzekubazi reDepartment of Veterinary Services.

Kazhinji veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasadye nyama yemombe kana zvimwe zvipfuyo zvinenge zvabatwa nechirwere chipi zvacho sedanho rekuchengetedza utano hwavo.

Hongu, kune vakawanda vanoona sevarasikirwa kana vakacherera pasi kana kupisa mutumbi wose wemombe asi kuchengetedza utano kwakakosha.

Share This:

Sponsored Links