Mapatya oita musangano

29 Aug, 2024 - 15:08 0 Views
Mapatya oita musangano

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiririra mapatya munyika muno, reTwins Association of Zimbabwe (TAZI), richaita musangano waro mukuru uyo uchapindwa nemapatya achabva kunyika dziri mudunhu reSADC nemuAfrica muHarare neMugovera uno.

Muhurukuro neKwayedza, vakuru vesangano iri – Farai Lawyer Katonha nemupatya wake Tendai Mayor Katonha – vanoti vakaona zvakakosha kuti vaite musangano uyu nechinangwa chekusimudzira raramo yemapatya.

Vaviri ava vakafanana zvakanyanya pachiso nechimiro, vakaroora mapatya uye vanogara muimba imwe chete.

“Kubarwa kwemapatya kunounza mufaro mukuru asi panguva imwe chete tinoona vamwe vabereki vachinyunyuta vava kuzvitora sedambudziko nekuti kunouya nemitoro inoda mari. Zvinobvira pambatya chaidzo nemanapukeni, zvose zvinenge zvakapetwa kaviri. Vabereki vanoremerwa tikatarisa kuti vazhinji vacho havashandi.” anodaro Farai.

Tendai anotenda zvirongwa zveHurumende zvekuwanisa vana vanobva kumhuri dzinotambura dzidzo yepachena kuburikidza neBasic Education Assistance Module (BEAM).

Melisa naMonalisa Manongwa (28), vanova mapatya ekuKaroi, vanoti amai vavo vakatakura mimba nhatu vachibara mapatya izvo zvakaita kuti machiremba agumisire avayambira kuti vachimira nekuti zvaizopinza upenyu hwavo panjodzi.

“Ichokwadi, hazvisi nyore kuriritira vana mapatya nekuti zvinotoda kuti homwe inge ichitutsirwa,” anodaro Melisa.

Monalisa anoti kune dzimwe tsika nemagariro zvakashata izvo zvinonenekedza vana mapatya mukumbunyikidzwa apo vamwe vanofunga kuti kana ukashinha navo unoita raki remari.

Mapatya ari kutarisirwa pamusangano uyu achabva kunyika dzinosanganisira Botswana, Angola, Lesotho, Belgium, DRC, Zambia, Namibia, Nigeria, Kenya, Tanzania, Sri Lanka, Ghana, Malawi, South Africa, Uganda, Iran, Nepal, Sierra Leone neLiberia.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey